Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Chivabvu, Chitatu 25, 2022


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutengo wekukwira kwezvinhu kana kuti inflation wadzokera zvekare pazvikamu zvinodarika zana kekutanga mukati memwedzi gumi apo yasvika pazana nemakumi matatu nechimwe nezviga zvinomwe kubva muzana kana kuti 131, 7%.

Zimbabwe yobatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva reAfrica Day vakawanda vachiti nyika dzakawanda dzatora gwara risiriro munyaya dzezvematongerwo enyika.

Dare ropa mutongo wekuti mwanasikana anonzi abvuma zvepabonde anofanira kunge ave nemakore gumi nemasere kwete gumi nematanhatu.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vokurudzira kuvandudzwa kwemitemo yevanokwanisa kutenga pfuti muAmerica mushure mekunge vanhu makumi maviri nevatatu vaurayiwa kuTexas nezuro.

Huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 hwave kuramba huchiwedzera mushure mekunge mazana maviri nemakamu mapfumbamwe nevapfumbamwe vabatwa nechirwere ichi nezuro.

Muchirongwa chedu cheDiaspora Forum na 8pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yezuva reAfrica Day uye chirongwa chekuungana kwevana veZimbabwe vari muAmerica neCanada cheZim-Expo chiri kuitwa mukupera kwesvondo kuOhio.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG