Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voenderera mberi nemisangano yavo kuDavos, Switzerland uko vari kuyedza kukwezva vekunze kuti vatange mabhizimisi munyika asi vamwe vachiti kungotambisa mari yenyika sezvo pasina chinobuda.
Zimbabwe yatanga nhasi musangano wemazuva matatu kuHwange wakananga nekuyedza kukurudzira nyika dzakabudirira kuti dziibvumidze kutengesa nyanga dzenzou dziri mudura mayo dzinosvika mamiriyoni mazana matanhatu kana kuti US$600 million. Pamusangano uyu pane nyika gumi nenhanhatu kusanganisirawo Japan neChina.
Confederation of African Football kana kuti CAF yadzinga Zimbabwe mumakwikwi eAfrica Cup of Nations kana kuti AFCON zvichitevera kuramba kweSports and Recreation Commission kutambira chisungo cheFIFA chekuti idzosere pabasa mutungamiri weZIFA akadzingwa VaFelton Kamambo.
Mamwe madzimai ochema chema kuti bhanga rinofanira kuvakweretesa mari reWomen’s Bank harisi kuvabatsira kunyangwe vari kubhadhara mari dzekuva nhengo.
Muchirongwa cheLiveTalk the Connection chatinotaura nevechidiki, Mike Hove weStudio 7 ari kuita hurukuro nenyaya yekurodzwa kwevana vasati vabvazera.
Muchirongwa chanhasi Mike ane hurukuro naMuzvare Lorraine Ruzvidzo vanova mudzidzisi, Muzvare Cheriel Dzobo mumwe wechidiki anoshanda nesangano rePlatform for Youth & Community Development.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave
Facebook Forum