Accessibility links

Breaking News

VaBiden Voyambira China Kuti Vanogona Kutumira Mauto Kubatsira Taiwan


Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nemutungamiri wehurumende yeJapan VaFumio Kishida
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nemutungamiri wehurumende yeJapan VaFumio Kishida

Mutungamiri weAmerica VaJoe Biden vanoti America yakagadzirira kutumira mauto kunobatsira Taiwan ikakwiswa neChina.

VaBiden vakataura mashoko aya murwendo rwavo kunyika dzekuAsia uko vari kuyedza kunosimbaradza hukama nadzo.

China inoti Taiwan idunhu rayo uye yakagadzirira kuri tora kana nehondo chaiyo.

Mukupindura mashoko aVaBiden aya, bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muChina rati hapana munhu anofanira kutarisira China pasi panyaya yekuzvidzivirira.

VaBiden vatiwo mutungamiri weRussia VaVladimir Putin vanofanira kurangwa zvakasimba nedanho ravo rekuda kupamba Ukraine

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG