Accessibility links

Breaking News

Makundano eNhabvu yeEPL Osvika kwaMvura Yacheka Makumbo


Pakati peLiverpool neManchester City ndipo pane chikwata chichasimudza mukombe weEPL neSvondo.
Pakati peLiverpool neManchester City ndipo pane chikwata chichasimudza mukombe weEPL neSvondo.

Makundano eEnglish Premier League, ayo anoteverwa zvakanyanya munyika, ari kusvika kwamvura yacheka makumbo neSvondo Manchester City neLiverpool dziri patambo kumirira kusimudza mukombe wegore rino.

Vateveri vemutambo wenhabvu munyika nevanoita zvekubheja mitambo vari kuita fembera-fembera kuti chikwata chichatora mukombe weEnglish Premier League ndechipi?

Chiri kuvanetsa ndechekuti zvikwata zviviri Manchenster City neLiverpool zvakasiyana nepoindi imwechete-chete kwasara mutambo mumwechete kuti mitambo ipere.

Man City ine mapoinzi makumi mapfumbamwe, Liverpool iine mapoinzi makumi masere nemapfumbamwe.

Zvikwata izvi zviri pamusha pamitambo yazvo yekugumisira Man City ichisangana neAston Villa iyo inotambirwa naMarvelous Nakamba, Liverpool ichitamba neWolves kuAnfield.

Chikwata chinorohwa kana kuita mangange pazvikwata zviviri izvi chinorasikirwa nemukombe uyu.

Asi maneja wevatambi VaGeorge Deda vanoti kunyange zvakamira zvakadai pakugumisira Liverpool ndiyo iri kusimudza mukombe.

Asi muteveri wenhabvu asi achitevera chikwata cheManchester United VaShepard Saizi vanoti Man City haina chekutya chakanyanya pamutambo wayo.

Asi panguva iyo Liverpool neMan City dziri kurwirawo kutora mukombe, Tottenham neArsenal dziri kudawo kupedza dziri pachinzvimbo chechina zvinozoita kuti dzikwanise kutamba muChampions League muna 2023.

Pari zvino, Tottenham iri pachinhanho chechina nemapoinzi makumi matanhatu nemasere, Arsenal ichitevera iine mapoinzi makumi matanhatu nematanhatu.

Arsenal iri kunamata kuti Tottenham irohwe apo iri kushanyira Norwich iyo yakabuda kare muEPL, iyo Arsenal yacho yorovawo Everton kuEmirates.

Chimwe che zvikwata zviviri izvi ndicho chichabatana neMan City, Liverpool neChelsea muChampions League ya2022/23.

Gore rino, England yanga yakamirirwa muChampions League, neMan City, Liverpool, Chelsea pamwe neMan U.

Liverpool yacho iri mufainari yeChampions League umo iri kusangana neReal Madrid musi wa 28 Chivabvu.

Zuva ramangwana zvekare, richabuditsa pachena chikwata chichabatana neNorwich neWatford kuenda munhabvu yepasi yeChampionship pakati peLeeds neBurnley idzo dzakaenzana pamapoinzi makumi matatu nemashanu.

Burnley iri pamusha neNewcastle, Leeds ichishanyira Brentford.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG