Vanotungamira mutambo we rugby muAfrica, veRugby Africa, vazivisa kuti Zimbabwe ndiyo ichavhura makundano eAfrica Cup ayo achashandiswa zvekare senzira yekuenda ku2023 World Cup.
Hurongwa hwemitambo hwabuditswa neRugby Africa hunoti Zimbabwe ichavhura musangano wezvikwata zvisere uyu nemutambo ne Ivory Coast musi wa 1 Chikunguru.
Kutanga kupinda munhandare uku kunopa Zimbabwe nguva yakati rebeyi yekuzorora vakamirira mutambo wavo wema semi fainari kana vakakunda Ivory Coast.
Masemi fainari ariko musi wa 6 Chikunguru.
Makundano eAfrica Cup aya ari kuitirwa kunze kweAfrica kekutanga achiitirwa kuFrance, uko Zimbabwe ichange ichitambira munhandare yeStade Pierre-Deloit kuMarseille.
Chikwata chichatora mukombe uyu chichabudirira kuenda kumakundano e2023 World Cup uko chikwata ichi chichange chiri mugungano rimwechete ne Italy, New Zealand, Uruguay, neFrance, iyo ichange iri pamusha..
Zimbabwe, iyo iri kushandisa zita rekuti ma”Goshawks” iri kugadzirira makundano eAfrica Cup aya iri muSouth Africa kumakwikwi eCurrie Cup Division One.
Asi mukuru weZimbabwe Rugby, VaAaron Jani, vanoti gadziriro yavo haisi kutanga nekugumira mumakundano eCurrie Cup aya chete.
Ivory Coast yakambotora mukombe weAfrica Cup uyu muna 1995 uyezve yakanomirira Africa kuWorld Cup yegore iroro.
Kaputeni wemaSables Hilton Mudariki anoti haasi kudherera Ivory Coast nekuti kuita izvi kune njodzi huru.
Zimbabwe ine shungu dzekuda kudzokera kuWorld Cup uko yakapedzisira kunokwikwidza muna 1991.
Zvimwe zvikwata zviri kumakundano eAfrica Cup aya iBurkina Faso, Senegal, Algeria, Uganda, Kenya neNamibia, iyo yaenda maWorld Cup kanomwe kakateverana.
Chimwechete pazvikwata izvi ndicho chichaenda kuWorld Cup.
Facebook Forum