Masangano evanogadzira chingwa azivisa kuti mutengo wechingwa uchawedzerwa mangwana kubva pamadhora mazana matatu nemakumi mashanu- kana kuti ZW$355 parofu kusvika pamartgs mazana mana nemakumi mashanu nemashanu kana kuti ZW$455.
Izvi zviri kuuya mushure mekunge Econet yawedzera mutengo wekushandisa nharembozha.
Mutungamiri weBakers Association of Zimbabwe VaWellington Peyama vanoti zvinhu zvose zvekugadzirisa chingwa zvakaita segorosi, shuga nemafuta ekubikisa zvawedzerwa mutengo.