Accessibility links

Breaking News

Mombe Dzobatwa neChirwere cheTungundu kuMatabeleland


Vamwe varimi vari kuchema chema nechirwere chemombe chetungundu kana kuti Foot and Mouth chakawanikwa kuMatobo neBulilima ku Matebeleland South svondo rakapera, chinonzi chave kupararirawo kumatunhu eBeitbrifge neGwanda.

Mukuru wezvekurapwa kwezvipfuwo muMatabeleland South , VaErnat Mhlongwa vakanyorera dunhu rese gwaro rekuti vaisa Matobo neBulilima pasi pemutemo wekuti mombe dzisaendesww kune mamwe matunhu kana kuti Quarantine kusvika chirwere ichi chapera.

Mukuru wesangano rinomiririra varimi reZimbabwe Intergrated Commercial Farmers Union Amai Maiwepi Jiti vanoti vari kushushikana zvikuru nekufa kwemombe uko kuchasiya varimi vakawanda varasikirwa nepfuma yavo.

Hurukuro naAmai Maiwepi Jiti
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG