Accessibility links

Breaking News

VaBiden Vonetsekana neKupfurwa kweVanhu muAmerica


VaJoe Biden nemudzimai wavo Amai Jill Biden, TOPS Market, Buffalo, New York.
VaJoe Biden nemudzimai wavo Amai Jill Biden, TOPS Market, Buffalo, New York.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nhasi vakukurudzira vanhu kuti vasaregedze ruvengo rwemarudzi rwuchipinda muhana mavo uye kuti dare reCongress ridzike mitemo yekuti zvisave nyore kutenga pfuti.

VaBiden vataura mashoko aya kuBuffalo, New York uko kune mumwe muchena ane makore gumi nemasere Payton Gendron auraya nepfuti vanhu vatema gumi ndokukuvadza vamwe vatatu.

Matikitivha eFBI ari kutora mhosva iyi semhosva yemarudzi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG