Accessibility links

Breaking News

Bata Murefu, Bata Mupfupi Yopa Kuti Mutambo weHighlanders neDynamos Ugumire paNzira


Mutambo pakati peDynamos neHighlanders hauna kuzopera nemusi weSvondo mushure memhirizhonga yakaona vatsigiri vezvikwata izvio vachirwisana, kupinda munhandare uye kukanda matombo munhandare.

Mutambo wakambomiswa kwenguva yakareba mushure mekunge mutambi weDynamos Bill Antonio apihwa kadhi dzvuku achinzi ainge akuvadza mutambi weHighlanders Andrew Thandi uyo akatyoka gumbo ndokuedeswa kuchipatara.

Mushure mekunge Dynamos yasara nevatambi gumi, Highlanders yakanwisa chibodzwa kuburikidza naWashington Navaya zvakapa vatsigiri nevatambi veDynamos kuti vadye magaka mabhishi vachiratidza kusafa nemubati wepembe.

Mutambo wakazomiswa poita bata murefu bata mupfupi munhandare nekunze. Mapurisa ainge ari munhandare iyi akakundikana zvachose kumisa mhirizhonga. Izvi zvave kureva kuti Chicken Inn yakakunda Caps United 1-0 ndiyo yave kutungamira gungano rePSL. Mune mimwe matambo yakatambwa neSvondo.

Triangle 5 Cranborne Bullets 2

Manica Diamonds 0, Black Rhinos 0.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG