Rimwe sangano revarairidzi, reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti riri kukurudzira varairidzi vane matambudziko anoda kugadziriswa nechimbichimbi kuti vatore zororo remazuva mashanu ekugadzirisa matambudziko avo kutanga neMuvhuro 16 kusvika Chishanu 20 mwedzi uno, inove svondo inouya.
Mutungamiri wesangano iri, VaObert Masaraure vanoti mutemo unobvumidza varairidzi kutora zororo iri, iro rinonzi Compassionate Leave, pasi pechikamu 41 (g) chemutemo yePublic Service kana kuti Public Service Regulations.
VaMasaraure vanoti varairidzi vakatarisana nematambudziko akawanda ari kukonzerwa nemari dziri pasi dzavari kutambiriswa anoda kugadziriswa, uye vanoti havaoni vakuru vezvikoro vachinyima varairidzi mukana uyu.
Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuPublic Service Commission panyaya iyi.
Facebook Forum