Vamiriri vemizinda yenyika dzekumawirira vari muZimbabwe vangangosvika gumi vari kutarisirwa kushanyira nzvimbo dzinochengeterwa nyanga dzenzou neveZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, ZimParks, dziri munyika neMuvhuro kuti vazvionere voga huwandu hwenyanga dzenzou dziri mumatura eZimbabwe.
Rwendo urwu rwuri kuuya pamberi pemusangano mukuru wekuzeya nyaya dzine chekuita nenzou, weElephant Conference uri kutarisirwa kuitwa kuHwange mukupera kwemwedzi uno.
Mutauriri weZimParks, VaTinashe Farawo, vanoti Zimbabwe yakagarira nyanga dzenzou dzakawandisa dzinokosha mari inodarika chidimbu chemiriyoni yemadhora ekuAmerica.
Vanoti hurongwa hwekuratidza nyanga dzine nyika kune vekunze uhwu hwakanangana nekurudziro yemutungamiri wenyika yekutanga zvakare hurongwa hwekudyidzana nevekumawirira, vachiti dzimwe dzenyika idzi vanoshanda nadzo muzvirongwa zvekuchengetedzwa kwemhuka.
Musangano wekuHwange uyu uchange uchitarisirwa kukurukura nezvenzira dzekuchengetedza nadzo nzou, kuchengetedzwa kwezviwanikwa, uye matambudziko ari kukonzerwa nekurambidzwa kwekutengeswa kwezvigadzirwa zvinobva munyanga dzenzou pasi rose.
Izvi zviri kuuyawo panguva iyo mumwe murume akaurayiwa nenzou usiku hwemusi weChishanu kuVictoria Falls. VaFarawo vanoti vanhu makumi matatu nevashanu vaurayiwa nenzou gore rino munyika yose.
Pagara paine matambudziko akawanda anonzi anokonzerwa nenzou anosanganisira kuurayiwa kwevanhu, kukuvadzwa kwevanhu, kuparadzwa kwezvirimwa uye masango.
Zimbabwe inofungidzirwa kuti ine nzou dzinodarika zana rezviuru.
Facebook Forum