Accessibility links

Breaking News

PTUZ Inoti Vana Vakawanda Vachatadza Kunyora Bvunzo Gore Rino neKuda kweKudhura, Asi ZIMSEC Inoti Haisati Yazivisa Mari Dzichabhadharwa


ZIMSEC inoti haisati yazivisa nezvemari dzebvunzo dzichabhadharwa gore rino.
ZIMSEC inoti haisati yazivisa nezvemari dzebvunzo dzichabhadharwa gore rino.

Rimwe sangano rinomirira varairidzi, reProgressive Teachers’ Union fo Zimbabwe, PTUZ, rinoti rinoona vana vakawanda vachikundikana kunyora bvunzo dzegore rino nekuda kwekukwira kwemari dzichabhadharwa nevana vari kunyora bvunzo gore rino, idzo dzarinoti dzakaziviswa neZIMSEC kuburikidza nedandemutande.

PTUZ inoti kunyange hazvo mafigiri akaziviswa aya achiratidza kuti hurumende ichabhadharawo zvikamu makumi mashanu nezvishanu kubva muzana (55%, mwana anenge achizotarisirwa kubhadhara zvikamu makumi mana nezvishanu kubva muzana (45%).

Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vanoti mari dziri kutenderera dzinonzi dzakaziviswa neZIMSEC idzi dzinoratidza kuti mwana achanyora bvunzo dzeGrade 7 anotarisirwa kubhadhara madhora emunyika zviuru zvina nemazana matatu ane makumi masere nemasere kana kuti $4,388.00.

Vanoti hurumende ichabhadharawo madhora zviuru zvishanu nemazana matatu ane makumi matanhatu nemaviri, kana kuti $5,362.00, kuti iite madhora ziuru zvipfumbamwe nemazana manomwe, kana kuti $9,700.

Vana vari kunyora bvunzo dzeOrdinary Level vanonzi vachabhadhara madhora chiuru nemazana matanhatu nemakumi maviri, kana kuti $1,620.00, pachinyorwa choga choga.

Vachanyora bvuno dzeAdvanced Level vachatarisirwa kubhadhara zviuru zvitatu nemazana maviri ane makumi mana emadhora kana kuti $3,240.00 pa, chinyorwa chebvunzo yoga yoga, hurumende ichizoisawo zvikamu makumi mashanu nezvishanu kubva muzana kana kuti 55% zvemari inenge yasara.

VaZhou vanoti nekuda kwekusakohwa zvakanaka kwakaita vabereki vakwanda mumaruwa, havaoni vabereki vachisarudza kubhadhara mari yebvunzo iyi vachisiya kutengera mhuri yavo chikafu.

Asi mutauriri weZIMSEC, Muzvare Nicky Dhlamini, varamba mashoko ekuti mari dziri kutenderera pamadandemutande dzakabva kuZIMSEC, vachiti boka ravo harisati raburitsa mari dzichabhadharwa kubvunzo dzichanyorwa gore rino.

Muzvare Dhlamini vanoti mafigiri emari dzinonzi dzakaburitswa idzi handiwo avainawo, vachienderera mberi vachiti kana vangopedza vanobva vangoazivisa kune veruzhinji.

Hurukuro naVaTakavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naMuzvare Nicky Dhlamini
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG