Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oyambira Vachakonzeresa Mhirizhonga kuMutambo weNhabvuPakati peHighlanders neDynamos neSvondo. 


Mapurisa anodzivirira mhirizhonga.
Mapurisa anodzivirira mhirizhonga.

Mapurisa ayambira kuti achasunga vese vachakonzeresa mhirizhonga kumutambo wenhabvu we “Battle For Zimbabwe” uchange uri pakati peHighlanders neDynamos.

Hazvibvunzwe kuti mutambo mukuru svondo rino ndeupi asi uyo uri muBarbourfields Stadium neSvondo pakati peHighlanders ne Dynamos.

Mutambo uyu, uyo unosheedzwa kunzi “Battle For Zimbabwe,” urik utarisirwa kuunganidza chaunga chinotyisa sezvo zvikwata zviviri izvi zvichiteverwa nevanhu vakawandisa.

Asi mapurisa ayambira vateveri veDynamos neHighlanders kuti vachasunga pamwe nekumisa pamberi pematare vese vachakonzeresa mhirizhonga pamutambo uyu.

Tsamba yabva kumapurisa inoti vachange vari munhandare iyi nehuwandu hwavo kuedza kudzivirira hupenyu hwevanhu pamwe nemidziyo iri munhandare iyi

Mutauriri wemapurisa muBulawayo VaAbednico Ncube vanoti havasi kuzotendera zvekare kuratidzira kuri kurongwa nevamwe vatsigiri veHighlanders nekuti hakusi pamutemo. Vamwe vatsigiri veHighlanders vanonzi vari kuronga kuratidzira senzira yekusafara kwavo nemurairidzi wechikwata chavo, Mandla Mpofu.

Premier Soccer League yazivisawo Bosso neDembare kuti ichatora matanho kune avo vachakonzeresa mhirizhonga.

Pakapedzisira kusangana Dembare ne Bosso muIndependence Trophy, Highlanders yakakunda Dynamos 1-0 muBarbourfields Stadium imomo zvekare.

Asi munyori wezvemutambo wenhabvu Admire Muhimeke anoti Dynamos hairohwe kaviri nechikwata chimwechete mumwaka mumwechete.

Asi murairidzi weDynamos Tonderai Ndiraya haasi kuvimbisa huchi nemukaka asi anoti vachaita nepese pavanogona kuti vakunde.

Semazuva ese, Ndiraya ari kutarisira Bill Antonio naEmmanuel Paga kuti varuke zvibodzwa.

Dynamos iri kuda mapoinzi ese matatu kuti irambe iri pamusoro petafura, Highlanders ichidawo kukunda kuti ibve pachinhanho chegumi nembiri pairi.

Murairidzi weHighlanders Mpofu apihwa mutambo neDynamos uyu kuti akunde kana kuti anodzingwa basa.

Mpofu ari kuvimbawo kuti Nqobizitha Masuku, Lynoth Chikuhwa,naAdrian Sillah vachasimudza matambiro avo kuti vakunde.

Asi Chicken Inn iri kuda kuti Dembare itsvedze iyo yorova Caps United kuti iende pamusoro petafura.

MaGame Cocks haasi kutarisirwa kunetseka kurova Makepekepe iyo iri kungorohwa -rohwa.

Dynamos neChicken Inn dzakasiyana nemapoinzi maviri chete, Dembare iri iyo iri pamusoro.

Manica Diamonds, iyo iri pamusha neBlack Rhinos uyezve iri pachinzvimbo chechitatu, haikwanise kubata Dynamos kana Chicken Inn ikarova Chipembere.

Manica Diamonds, iyo ine mapoinzi makumi maviri nemana, yakasiiwa neChicken Inn nemapoinzi mana uyezve nemapoinzi matanhatu neDynamos.

Mimwe mitambo iriko ndeipi..

Mugovera, Ngezi Platinum Stars v Tenax - Baobab, Herentals v Chiefs - NSS, Bulawayo City v ZPC Kariba - Barbourfields , Hwahwa v Harare City - Ascot

Svondo. Triangle v Cranbourne Bullets- Gibbo.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG