Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe, U.N. Refuge Agency neUNHRC, Vanoparura Chirongwa Chekuedza Kumisa Kuparadzwa kweMasango paKamba yeVapoteri yeTongogara


Tongogara Refugee Camp
Tongogara Refugee Camp

Zimbabwe pamwe neU.N. Refuge Agency neUNHRC, vari kuparura chirongwa chekuedza kumisa kuparadzwa kwemasango uye kuwana cheuviri kubva mukushandiswa kwetsvina panzvimbo huru inochengeterwa vapoteri iri munyika iyi.

Kamba yevapoteri yeTongogara iri pedyo nemuganhu weZimbabwe neMozambique yakaisira vapoteri michina inoshandura ndove yemhuka kuve gasi, rinogona kushandiswa mukubika, uye kuve fotereza.

VaDominic Katumbayi, mumwe wevapoteri vari pakamba yevapoteri yeTongogara , vave kushandisa fotereze inobva mundove yemhuka muzvirimwa zvavo.

“Tisati tave kushandisa izvi raitove dambudziko, nekuti fotereza unotenga, asi iyi ndeyemahara. Zuva roga roga ndinokwanisa kugadzira marita anodarika mazana matatu efotereza. Iye zvino zvave nyore, munhu wese anokwanisa kuuya achitora achiisa mugadheni.”

Fotereza iyi chigadzirwa chinobva mundove yemhuka mushure mekunge yavira iri mumichina yekugadzira gasi rinobva mundove. Gasi iri rinowaniswa pachena kuvapoteri ava, vamwe vacho vanorishandisa kubika. Amai Francine Kayumba, saVaKatumbayi, vanobva kuDemocratic Republic of Congo.

“Tave kushandisa gasi nekuti rine uye riri nani kuti hariburitse hutsi. Kana wakaisa poto yako pamoto wegasi inoramba yakachena.”

Chikwata cheWater, Sanitation neHygiene che UNHCR chiri muZimbabwe chinoti chakatanga chirongwa ichi mushure mekuona kuti vapoteri vainetseka kurasa ndove yezvipfuwo zvavo pakamba iyi.

“Tave kufunga kuichengetedza nenzira yakanaka ndipo patakabuda nepfungwa ye gasi rinobva mundove yenguruve senzira yekuchengetedza (ndove yemhuka). Uye gore rino, takatanga nechirongwa chegasi rinobva mundove yemhuka iri.”

Hurumende inotarisira kuwana mari yakawanda yekuwedzera chirongwa ichi pakamba yevapoteri iyi, iyo ine vanhu vangangoda kusvika zviuru makumi maviri, kana kuti 20,000.

“Chirongwa chegasi rinobva mundove ichi chinochengetedza mari chakanangana nekuona kuti vapoteri vawana mhando yemoto yakachena. Vapoteri vanoiswa munzira itsva dzekuwana nadzo mafuta kana mhando yemoto yakachena. Nekudaro kwatiri chinhu chakataobatsira vagary zvakanyanya.”

Zimbabwe inoti chirongwa ichi chichabatsira kuderedza dambudziko rekuparadzwa kwemasango ari pedyo nekamba yevapoteri yeTongogara.

Vakuru vehurumende vanoti Zimbabwe iri kurasikirwa nemahekita anosvikwa mazana matatu nemakumi matatu ezviuru, kana kuti 330 000, zvemasango gore roga roga, mamwe acho kuburikidza nekuparadzwa pachitsvagwa huni.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG