Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chishanu, Chivabvu 13, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Mukuru wemapurisa, Commissioer-General Godwin Matanga vanodzika mutemo unorambidza mapurisa kushandisa simbi dzinokandwa nemapurisa dzichiboora mavhiri edzimotokari dzinenge dzave kutiza, kana kuti hand-held spikes, zvichitevera kuchemachema kweveruzhinji pamwe nenhengo dzeparamende.

Dare repamusoro reHigh Court rinobvuma chikumbiro chevana vevaimbove mutungamiri wenyika mushakabvu VaRobert Mugabe chekuti vapikise mutongo wekuti mutumbi wababa vavo ufukunyurwe unovigwa kunovigwa magamba enyika kuHeroes Acre.

Vagari vekwaChivi nekuMwenezi vokumbira rubatsiro rwechikafu sezvo vatarisana nenzara nekuda kwegoho risina kuita zvakanaka mwaka uno, dzimwe mhuri dzichiti dzave kumanikidzwa kudya kamwechete pazuva nekuda kwekukwira kwemitengo yezvekudya.

United Nations inoti Protais Mpiranya uyo ange achitsvagwa nemhosva dzekuponda vanhu muRwanda muna 1994 ainge akahwanda muZimbabwe nguva yose iyi achinzi aitodyidzana nehurumende kusvika azoshaya muna 2006.

Vamwe vagari vekwaZvimba neMhangura vanoti vari kutadza kuwana mashoko neruzivo munzvimbo dzakavhurwa nehurumende makore mashanu adarika kana kuti Community Information Centres nekuda kwekunetsa kwemasaisai uye kudhura kwemari dzekutenga masaisai aya.

Mapurisa anoyambira kuti achasunga vese vachakonzeresa mhirizhonga kumutambo wenhabvu we “Battle For Zimbabwe” uchange uri pakati paHighlanders neDynamos muBarbourfields neSvondo.

Muchirongwa chedu LiveTalk na8 pm nhasi, tiri kuenderera mberi nekutarisa matanho akaziviswa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa mukupera kwesvondo akanangana nekudzikamisa hupfumi hwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG