Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro, Chivabvu, 09, 2022


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mapurisa afumo bata jongwe muromo kuenda mumaguta akasiyana siyana nekutyira kuti vanhu vanobatana nesangano revadzidzi reZINASU mukuratidzira kwange kwakarongwa nhasi.

Vatori venhau vaviri vepabanhau reNewsday vange vakasungwa neMugovera kuChitungwiza paiitwa sarudzo, Blessed Mhlanga naChengeto Chidi vapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare ramejastiriti.

Vechidiki kubva kumapato ezvamatongerwo enyika anosanganisira Zanu PF neCitizens Coalition for Change vasangana nhasi muHarare vachigadzira hwaro hwekuti sarudzo dzegore rinouya dziitwe murunyararo. Pamusangano wanhasi uyo warongwa nesangano re4H Zimbabwe, vechidiki vati havachada kushandiswa kuita mhirizhonga uye.

Nhasi muchirongwa chezvehutano, tiri kutarisa mabasa ari kuiwa nesangano rest Christopher reSt Christopher’s Children with Disabilities riri kubatsira vana vakaremara.

Munhau dzemitambo, ko sei maita mhere mhere mumisha eeHighlanders, Dynamos neCaps United?

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yekuratidzira kwange kwakarongwa nechikwata chevadzidzi cheZimbabwe National Students Union nhasi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG