Accessibility links

Breaking News

CCC Yokunda Zvine Mutsindo Musarudzo neKune Mamwe Maruwa


VaNelson Chamisa mutungamiri weCCC
VaNelson Chamisa mutungamiri weCCC

Bato ronopikisa reCitizens Coalition for Change nemusi weMugovera rakakunda musarudzo nomwe pasere dzakaitwa munyika kutsiva vakadzingwa mumakanzuru neMDCT inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora.

Bato reZanu-PF rakakunda muWard imwe chete kuPfura, Mt Darwin. CCC yakakunda kuChitungwiza, Rusape, Mutare, Mutasa neKariba.

Bato reMDC Alliance rinotungamirwa naVaDouglas Mwonzora harina kana kukunda muward imwe chete.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weCCC VaCharlton Hwende vaudza Studio 7 kuti vari kufara nekukukunda kwavakaita nekumaruwa musarudzo idzi kunyangwe vapomera Zanu-PF mhosva yekuita mhirizhonga zvikuru kuChitungwiza.

Asi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vanogara vachiti bato ravo hariite zvemhirizhonga. VaMugwadi vange vasati vapindura mibvunzo yatavatumira nezvakabuda musarudzo izvi.

Asi mutauriri weMDC-T VaWitness Dube vaudza Studio 7 kuti vanhu havasati vave kunyatsoziva bato ravo sezvo vachiti vakareverwa nhema nevanovapikisa pane zvavanomirira. Vati vanofunga kuti nekufamba kwenguva vanenge vowana rutsigiro.

Zvichakadaro, vatori venhau veAlpha Media Holdings Blessed Mhlanga naChengeto Chidi vakasungwawo nemapurisa kuChitungwiza vachiita basa ravo pazuva resarudzo iri vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare neMuvhuro.

Gweta ravo VaTapiwa Muchineripi vaudza Studio 7 kuti mapurisa ari kuti vakatyora mitemo yesarudzo. Asi vaviri abs vari kuramba mhosva iyi.

Sarudzo idzi dzakakundwa nevaive meya weChitungwiza VaLovemore Maiko vebato reCCC.

Mumashoko kuvatori venhau, sangano reZimbabwe Election Support Network rinoti mapato ezvematongerwo enyika anofanira kukurudzira vatsigiri vavo kuti vasaite zvemhirizhonga.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzesarudzo dziri kuyambira kuti sarudzo dzegore rinouya dzinogona kuita mutauro kana mitemo yesarudzo isina kuvandudzwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG