Maonero eHurumende yeAmerica
Vamwe Vagari vekuMola kuMashonaland West Vonyunyuta neKushungurudzwa Kwavanoti Vanoitwa neVashandi Vanochengetedza Mhuka dzeSango

Vamwe vagari vekuMola mudunhu reMashonaland West vanoti havasi kufara
nekurohwa kunonzi kuri kuitwa vagari nevanochengetedza mhuka kunyange pasina
mhosva yavapara.
Vagari ava vanoti kurohwa zvakaipisisa kwakaitwa mumwe mugari,
VaStephen Machamacha, nevanochengetedza mhuka, veBumi Anti-poaching Unit,
imwe yenyaya dzakawanda dziri kuitika munzvimbo yavo.
Zvinonzi nhengo dzeBumi Anti-Poaching Unit dzinosanganisira vari
muchiuto, avo vanonzi vanochinjana nguva nenguva.
Mumwe mugari wekuMola, ada kungonzi VaShine, anoti vagary vari kushungurudzwa
nevanochengetedza mhuka avo vavati vakaona munhu musango vanomurova
vachimupomera mhosva yekuvhima mhuka zvisiri pamutemo kunyange asina
chaanenge ayinacho chinoratidza kuti muvhimi.
VaShine vanoti vanochengetedza mhuka ava vakafungidzira kuti munhu avaona ari kuvhima mhuka zvisiri pamutemo vanofanirwa kuenda naye
kumapurisa kwete kumuita kafira mberi.
Izvi zvinotsigirwa nemumwe mugari VaMike Chandiwana, avo vanoti
vanochengetedza mhuka vari kuisa mutemo mumaoko avo nekurova vanhu
zvisiri pamutemo.
Asi mumwe mugari anoita nezvekuchengetedzwa kwemhuka nemasango, VaObert
Siamilandu, vanoti kunyange vasingawirirane nekurohwa kwevanhu
nevanochengetedza mhuka, vagarii vanofanirwa kutevedzera mutemo
wekusauraya mhuka.
VaSiamilandu vanoti dambudziko rekushungurudzwa nemhuka pamwe
nevanochengetedza mhuka haripere nekuuraya mhuka dzacho idzo vanoti
dzinounza mari munyika nekuda kwevanoshanyira nyika.
Hatina kukwanisa kubata vanochengetedza mhuka munzvimbo yeMola veBumi
Anti-Poaching Unit, asi mutauriri webazi rinochengetedza mhuka pamwechete navo,
reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, ZIMPARKS, VaTinashe
Farawo, vanoti havakurudzire kurohwa kwevanhu asi vanokurudzira kuti vanenge vawanikwa vachivhima zviri kunze kwemutemo vaendeswe
kumapurisa kuti vatongwe nematare.
VaFarawo vanoti asi munhu akawonekwa kuti ari kuvhima zvisiri pamutemo
uye aine pfuti vashandi vavo vanoshandisa pfuti sezvo achikwanisa
kupfura vanhu sezvinomboitika mavanoshandira.
Hatina kukwanisa kunzwa kumutauriri wemauto VaAlphios Makotore sezvo
vanga vasati vapindura mibvunzo yavakati tivatumire nemusiwe Chitatu.
Asi VaFarawo vanoti mhuka dzakawanda dzinovhimwa zvisiri pamutemo inzou
nezvipembere sezvo vanovhima zvisiri pamutemo vachida nyanga
dzadzo kuti vatengese.
See all News Updates of the Day
Mashoko Anotaura Pamire Hurumende yeAmerica Pakudyidzana Kwayo neLibya.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muLibya nekuda kwekudzimwa dzimwa kwemagetsi, kusagadzikana munyaya dzezvematongerwo enyika uye mhirizhonga.
Mumwe mukuru muhofisi yemumiriri weAmerica kuUnited Nations kana kuti Alternate Representative for Special Political Affairs VaRobert Wood vanoti vanotambira matanho ave kutorwa neLibya kuyedza kugadzirisa matambudziko aya kuburikidza nenhaurirano dziri kukokerwa neUnited Nations kuEgypt.
VaWood vanoti ino yave nguva yekushanda nemapato ose ezvem,atongerwo enyika kuona kuti nhaurirano dzabudirira kuitira kuti paitwe sarudzo dzakachena munyika iyi.
Vaendererawo mberi vachiti kuunza mapato ose pamwe chete kuti azvipire pachibvumirano chekuti sarudzo dzinonoke kuitwa pachigadziriswa zviri kunetsa. Vanotiwo America ichaenderera mberi ichitsigira nhaurirano idzi nebasa riri kuitwa nekomisheni inonzi High National Elections Commission.
VaWood vanotiwo matanho ari kutorwa kugadzirisa nyaya dzezvematongerwo enyika anofanira kuitwa panguva imwe chete nekugadzirisa zvinhu munyaya dzezvehupfumi nekugadzikana kwenyika.
Vatiwo zvakakosha kuti matambudziko akatarisana nebhanga guru renyika kuitira kuti pajekeswe nyaya yemafambisirwo emari dzenyika uye kudzivirira nyaya dzehuwori. Ambassador Wood vati mauto ose ekunze kweLibya kusanganisira vechikwata chekuRussia cheWagner Group vanofanira kubuda munyika iyi.
Asi vatiwo vari kushushikana nehuwandu hwevanhu vari kuda kutiza muLibya vachienda kunopotera kune dzimwe nyika vamwe vachiguma vanyura munyanza yeMediterranean. Vatiwo vari kushushikana zvikuru nevanhu vekunze vari mumajeri emuLibya vari kubatwa senhapwa. VaWoods vati America inokoshesa kodzero dzevabvakure vari muLibya.
Vati vanotsigira mabasa ari kuitwa nekomisheni inoona nezvekodzerp dzevanhu iri kuongorora nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu vakakuridzira Libya kuti ishande nayo zvakanaka.
Vati zvakakosha kuti vanhu vemuLibya vasarudzo hurumende yavanoda vachisimbaradza kuti America ichamira nawo kuona kuti izvi zvazadzikiswa.
Mashoko aya anotaura pamire America pakudyidzana neLibya.
Mashoko Anotaura Pamire America Pakudengenyeka kweNyika Kwakaitika muTurkey neSyria

Vanhu vanodarika zviuru maku mana nechimwe kana kuti 41, 000 vafa vamwe vanoodarika chiuru zana kana kui 100 000 vakakuvara mukudengenyeka kwenyika kwakaitika muTurkey neSyria.
Kudengenyika uku kwakaitika nemusi weMuvhuro mangwanani zvichireva kutivakawanda vainge vakarara zvakapa kuti vadonherwe nemidhuri. Zvikwata zvinobatsira kununura vanenge vawirwa nenjodzi zviri mubishi kuyedza kubatsira vanhu vakawirwa nemidhuri ava.
Mutungamiri wenyika yeTurkey VaRecep Erdogan vakati midhuri inodarika zviuru makumi matanhatu nemazana mana nemakumi mana nemana kana kuti 6, 444 yainge yawondomoka. Zvikwata zvevanhu vanobatsira kubva kunyika dzinodarika makumi maviri nemana dziri kubatsira kuyedza kununua vanhu nekubatsira vakapona.
Asi kupa rubatsiro kune vanhu vemuSyria kunonzi kuri kunetsa sezvo hurumende yenyika iyi iine mitemo inoita kuti zvinetse kupa vanhu zvekudya. Muganhu mumwe chete unobvumidzwa kupinda chikafu munyika iyi kubva kuTurkey wakambovharwa pakadengenyeka nyika.
Musi wa 9 Kukadzi ndipo pakatozokwanisa United Nations kudarika pabhodha apa kekutanga kubva zvakadengenyeka nyika.
Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAntony Blinken vakatumira mashoko enyaradzo kuvanhu vemuTurkey neSyria vachiti zvakaitika zvinoshamisa uye kurwadza.
Vakati vanhu vemuAmerica nedzimwe nyika vari mukuchema nekushaya kwevanhu vakawanda zvakadai vakati vakarasikirwa nehama vari mundangariro dzavo. VaBlinken vakazivisawo nezvichaitwa neAmerica kubatsira vakawirwa nedambudziko ava.
Vakati kuTurkey vatumira nyanzvi dzinobatsira munguva yematambudziko dzinodarika zana nemakumi mashanu uye zvikopokopo zviri kuenda kunzvimbo dzisisafambike zvakanaka.
MuSyria VaBlinken vanoti vari kushanda nemasangano akazvimirira oga avagara vachishanda nawo akaita sereWhite Helmets.
Vati vatumirawo nyanzvi dzinoona nezvemuchetura unokwanisa kukanganisa hupenyu hwevanhu nekuondomoka kwemidhuri, vakuru vakuru mukubatsira vanenge vawirwa nematambudziko, nyanzvi munyaya dzezvehutano uye michina inodarika zviuru zana nemakumi manomwe kana kuti 170,000 yekubatsira kana kwaita kudengenyeka kwenyika.
VaBlinken vanoti America yakazvipira kuita zvose zvainogona kubatsira vakawirwa nedambudziko rekudengenyeka kwenyika iri
- Blessing Zulu
Mashoko Anotaura Pamire America Pamhosva dzeHondo Dziri Kupomerwa Mauto eRussia Ari Kurwisa Ukraine.

Mauto aRussia ari muguta reKherson kuchamhembe kwe Ukraine anonzi kupara mhosva dzehondo achityora kodzero dzevanhu.
Mumiriri weAmerica kusangano reOrganization for Security and Co-operation Ambassador Michael Carpenter vanoti zviri kuitwa muKherson zvinhu zvinotyisa. Russia inonzi iri kumanikidza vanhu vemudunhu iri kuti vatende kuva pasi pehutongi hwayo nechisimba.
Vamwe vanhu mazana matanhatu vari kuramba kutambira hutongi hweRussia vanonzi vari kuchengetwa vari mudzimba dzakacherwa pasi vachiitwa kafiramberi. Vanhu vari muhusungwa vanosanganisira vatori venhau, vashandi vemukanzuru, vanoshandira masangano akazvimirira oga uye vose vari kupomerwa mhosva dzekuratidzira vachitsigira Ukraine.
Vanhu vemuKherson vanonziwo vanobvunzurudzwa nekushungurudzwa pose pavanenge vachifamba.
Vammwe vanhu vaishndira hurumende yeUkraine vari kusungwawo vachiiswa mumatirongo pachinzi pari kutsvagwa vatengesi vari kudyidzana nehurumende yeUkraine uye kufukura hapwa kuvatori venhau.
Vanhu ava vanonzi vanogara muhusungwa kwemazuva akawanda vamwe vachibvunzurudzwa, kuitwa kafiramberi kana kuurayiwa kana kugariswa muhusungwa kana kumanikidzwa kutama vachiendeswa kune dzimwe nzvimbo.
Russia inonzi iri kuisa vanhu vanoitsigira kuti vatungamire matunhu airi kutora akaita seKherson. Izvi zvakaitikawo muna 2014 na2015 kumatunhu akaita seDonetsk. Russia inonziwo iri kudzima madandemutande akaita seinternet kunzvimbio dzayapamba kuti vanhu vasanzwewo mamwe mashoko asiri anobva kuRussia.
Vanhu havabvumidzwewo kutumirwa mari kubva kunze dzimwe nyika kana nzvimbo.
Muzvikoro, varairidzi vari kumanikidzwa kuti vadzidzise zviri kudiwa neRussia asi vamwe vari kuramba zviri kuisa hupenyu hwavo munjodzi. Vanhu vari kumanikidzwawo kushandisa mari yekuRussia yemaruble uye kunyoresa magwaro emba dzavo nevanhu vakagadzwa neRussia.
VaCarpenter vanoti America iri kutyora zvibvumirano zveUnited Nations Charter uye zveHelsinki Final Act panyaya dzekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu kunyangwe munguva yehondo.
Mumiriri weAmerica uyu anoti ane chivimbo chekuti mutungamiri weRussia VaVladimir Putin nemauto avo vachatongerwa mhosva dzehondo dzavanonzi vari kupara muKherson nemamwe matunhu emuUkraine idzi.
Facebook Forum