Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari vekuMola kuMashonaland West Vonyunyuta neKushungurudzwa Kwavanoti Vanoitwa neVashandi Vanochengetedza Mhuka dzeSango


VaTinashe Farawo, mutauriri weZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority,
VaTinashe Farawo, mutauriri weZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority,

Vamwe vagari vekuMola mudunhu reMashonaland West vanoti havasi kufara
nekurohwa kunonzi kuri kuitwa vagari nevanochengetedza mhuka kunyange pasina
mhosva yavapara.

Vagari ava vanoti kurohwa zvakaipisisa kwakaitwa mumwe mugari,
VaStephen Machamacha, nevanochengetedza mhuka, veBumi Anti-poaching Unit,
imwe yenyaya dzakawanda dziri kuitika munzvimbo yavo.

Zvinonzi nhengo dzeBumi Anti-Poaching Unit dzinosanganisira vari
muchiuto, avo vanonzi vanochinjana nguva nenguva.

Mumwe mugari wekuMola, ada kungonzi VaShine, anoti vagary vari kushungurudzwa
nevanochengetedza mhuka avo vavati vakaona munhu musango vanomurova
vachimupomera mhosva yekuvhima mhuka zvisiri pamutemo kunyange asina
chaanenge ayinacho chinoratidza kuti muvhimi.

VaShine vanoti vanochengetedza mhuka ava vakafungidzira kuti munhu avaona ari kuvhima mhuka zvisiri pamutemo vanofanirwa kuenda naye
kumapurisa kwete kumuita kafira mberi.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mugari VaMike Chandiwana, avo vanoti
vanochengetedza mhuka vari kuisa mutemo mumaoko avo nekurova vanhu
zvisiri pamutemo.

Asi mumwe mugari anoita nezvekuchengetedzwa kwemhuka nemasango, VaObert
Siamilandu, vanoti kunyange vasingawirirane nekurohwa kwevanhu
nevanochengetedza mhuka, vagarii vanofanirwa kutevedzera mutemo
wekusauraya mhuka.

VaSiamilandu vanoti dambudziko rekushungurudzwa nemhuka pamwe
nevanochengetedza mhuka haripere nekuuraya mhuka dzacho idzo vanoti
dzinounza mari munyika nekuda kwevanoshanyira nyika.

Hatina kukwanisa kubata vanochengetedza mhuka munzvimbo yeMola veBumi
Anti-Poaching Unit, asi mutauriri webazi rinochengetedza mhuka pamwechete navo,
reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, ZIMPARKS, VaTinashe
Farawo, vanoti havakurudzire kurohwa kwevanhu asi vanokurudzira kuti vanenge vawanikwa vachivhima zviri kunze kwemutemo vaendeswe
kumapurisa kuti vatongwe nematare.

VaFarawo vanoti asi munhu akawonekwa kuti ari kuvhima zvisiri pamutemo
uye aine pfuti vashandi vavo vanoshandisa pfuti sezvo achikwanisa
kupfura vanhu sezvinomboitika mavanoshandira.

Hatina kukwanisa kunzwa kumutauriri wemauto VaAlphios Makotore sezvo
vanga vasati vapindura mibvunzo yavakati tivatumire nemusiwe Chitatu.

Asi VaFarawo vanoti mhuka dzakawanda dzinovhimwa zvisiri pamutemo inzou
nezvipembere sezvo vanovhima zvisiri pamutemo vachida nyanga
dzadzo kuti vatengese.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG