Accessibility links

Breaking News

Vanofarira Mutambo weMabhiza Votandadzwa neMujaho Mukuru weCastle Tankard neMugovera


Mukombe wemujaho mukuru wemabhiza weCastle Tankard Cup
Mukombe wemujaho mukuru wemabhiza weCastle Tankard Cup

Mujaho mukuru wemabhiza weCastle Tankard uriko mangwana uchisangana nemitambo yenhabvu yeCastle Lager Premier Soccer League.

Mabhiza gumi nematatu ari kupinda munhandare yeBorrowdale Park Racecourse mangwana kurwira mukombe weCastle Tankard pamwe nemari inoita iyo madhora zviuru makumi matatu zvemadhora ekuAmerica.

Mamwe madhora zviuru makumi maviri anogovanwa nemabhiza anopedza ari pachinhanho chechipiri kusvika pachinzvimbo chechina, kubva pamadhora zviuru makumi mashanu ekuAmerica emari iri kuiswa mumujaho uyu nekambani yeDelta Beverages.

Vanoita zvekubheja vari kutemwa nemusoro kuti voisa mari yavo pabhiza ripi sezvo mabhiza aripo aine nhoroondo yakasimba kuSouth Africa uko anokwikwidza.

Asi vaongorori vemutambo uyu vanoti vari kuona kunge rimwe remabhiza anoti Only Him, Finchatton naLily Blue ndiro richatora mukombe uyu.

Muzvare Bridget Stidolph, avo vanorairidza Only Him, Lily Blue,Wantage naCitrusdal vanoti vari kutyawo Finchatton.

Asi mabhiza ari kubhadhara mari yakawanda ndeayo asiri kutarisirwa kukunda.

Mabhiza aya anosanganisira Three To Tango, naBugatti Blue ayo anorairidzwa na Muzvare Debra Swanson, Mr Greenlight raMuzvare Vanessa Birke pamwe naWantage remudanga maMuzvare Stidolph.

Vanoita zvekubheja, VaTakunda Mushinga, vari kuisa mari yavo pana Mr Greenlight iro riri kubhadhara madhora makumi maviri padhora rega rega rinenge rabhejwa.

Muzvare Birke vari kukanda zvekare munhandare Holy Land na Armstrong, Love The View na True Beauty achibva mudanga raVaThomas Mason.

Muzvare Swanson ndivo vari kuzadzisa nhandare yemabhiza gumi nematatu ne kubuditsa mumhanyi, Heir Line.

Mujaho weCastle Tankard ndiwo wega wemhando yepamusoro yeGrade One muZimbabwe uyezve wakavambwa kare kare muna 1960.

Totarisa mutambo wenhabvu……

Zvikwata zvichangodzinga varairidzi vazvo ZPC Kariba neBulawayo City zvatarisana nemitambo yakasiyana muhuremu apo varairidzi vatsva vari kugara pabonde kekutanga.

Panguva iyo Rodwell Dhlakama weZPC Kariba ane mutambo wakapfava neHwahwa, zvimwechetezvo hazvisi paBulawayo City iyo iri kusangana negomo guru reDynamos.

Dynamos haisi kuita zvekutamba zvekuti vanotevera mutambo uyu vari kuti murairidzi mutsva weBulawayo City Farai Tawachera ari kutanga basa nekukundwa.

Muteveri weDynamos, VaMasimba Denenga, vanoti maroto kuti Dynamos inorohwa nekubva pamusoro pegungano iri.

Dynamos iri kutungamira PSL nemapoinzi makumi maviri nemapfumamwe,mapoinzi maviri pamusoro peChicken Inn.

Asi maGame Cocks ane mutambo mukukutu neHerentals, iyo yakarova FC Platinum 1-0 svondo rapera.

Chikwata chaJoey Antipas ichi hachifanire kudonhedza mamwe mapoinzi nekuti kuita izvi kunoita kuti chidarikwe neTriangle iyo ingangotora mapoinzi ese matatu pamutambo wayo neTenax.

Asi Mugovera kune mutambo mukuru muMandava Stadium umo FC Platinum iri pamusha neCaps United.

Vanotevera mutambo uyu vanoti vari kuona Makepekepe ichirohwa nemhaka yematambudziko makukutu ari mumusha mayo.

Highlanders iyo iri kubva mukuita mangange neChicken Inn iri kusangana ne chimwe chikwata chemuBulawayo zvekare, Bulawayo Chiefs.

Chiefs haisi kutamba sezvaitarisirwa mushure mekutenga vatambi vane mukurumbira zvekuti Highlanders ine chivimbo chekutora mapoinzi ese matatu.

Mimwe mitambo iriko mangwana..

Harare City vs Manica Diamonds - NSS

Black Rhinos vs Ngezi Platinum - Sakubva.

NYAYA INA MICHAEL KARIATI
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG