Accessibility links

Breaking News

Tendai Mtawarira Akaita Mbiri neRugby Oitwa Munyarikani neUNICEF


Mukuru weUNICEF kumabudazuva nekuchamhembe kweAfrica VaMohamed vachimhoresa pTendai Mtawarira
Mukuru weUNICEF kumabudazuva nekuchamhembe kweAfrica VaMohamed vachimhoresa pTendai Mtawarira

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chakaita mukurumbira wekutamba mutambo werugby chakamirira nyika yeSouth Africa, Tendai Mtawarira anoti ari kufara nekudomwa semunyarikani wesangano reUNICEF.

Mtawarira anoti izvi zvichamupa mukana wekushanda nevanotambura munyika makumi maviri neimwe.

Mtawarira anenge ari mumiriri wenyika dzekumabudazuva nekuchamhembe kweAfrica kana kuti Ambassador for Southern and Eastern Africa. Izvi zvinoreva kuti Mtawarira achange achishanda nenyika dzakaita seZimbabwe.

Mtwawarira anoti donzvo rake nderekuti aunze donodzo kune vanotambura pasi pechirongwa cheUNICEF ichi.

Anoti akabva kushanyira nyika yeKenya uye ari kutarisira kuenda Madagascar nyika yakabva mukutarisana nedambudziko remafashamu emvura nedutumupemgo remhepo.

Mtawarira anoti zvakare ari kutarisira kuenda kuHarare neBulawayo zvikuru kunzvimbo dzinogara veruzhinji vari kutarisana nematambudziko akawanda panguva iyo pasi rose richiri kurwisa denda reCovid-19.

"Ndiri kufara kuti ndinokwanisa kuunza hunyanzvi hwangu hwandakawana mukutamba mutambo werugby nekupawo zvikwanisiro nedzidzo kune avo vanenge vari kutarisana nenguva yakawoma kunyanya vechidiki pasi pechirongwa cheUNICEF ichi,"Mtawarira audza Studio 7

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG