Accessibility links

Breaking News

ZIMSEC Yotadza Kubhadhara Vakamaka Bvunzo


Vadzidzisi vakamaka bvunzo nemasangano anomiririra vadzidzisi munyika vanoti havasi kufara nekusabhadharwa mari dzekumaka bvunzo dzegore rapera.

Mutungamiri werimwe sangano revadzidzisi rekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe (ARTUZ) VaObert Masaraure vanoti havasi kufara nekushandiswa mahara kwavanoti kwakaitwa dzimwe nhengo dzesangano ravo.

Vati vanyorera bazi rezvedzidzo kuti ripe vadzidzisi ava mari dzavo musiwa 14 Chivabvu usati wasvika kana kuti vachatora matanho avasina kuda kutaura parizvino.

oMashoko aya atsinhirwa nemumwe mudzidzisi wemuChinhoyi asina kuda kudomwa nezita sezvo achityira kuzodzingwa basa ati kusvika parizvino havasati vapihwa mari dzavakashandira uye havana tariro yekuti vachapihwa sezvo pasina ari kutaura nezvenyaya yemari iyi.


Mudzidzisi uyu anoti kunyange vakapihwa mari iyi nhasi inenge yadzikira huremu zvichienzaniswa nekunge vakapihwa nguva yavakashanda.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mudzidzisi anoda kuzivikanwa saBaba Nhamo akamaka mapepa anosvika mazana maviri nemakumi mashanu uyo arikutarisira kupihwa mari inosvika zviuru makumi maviri zvemadhora emunyika paakashanda.

VaMasaraure vanoti chinonyanya kurwadza ndechekuti zvakabuda mubvudzo dzisati dzabhadharwa vakamaka zvakatoziviswa uye hurumende ikatofara kuti zvikamu zvevana vakabudirira mubvunzo idzi zvainge zvakakwira zvichienzaniswa negore rapera.

Mutungamiri werimwewo sangano rinomiririra vadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbawe -PTUZ-Doctor Takavafira Zhou vanoti nekuda kwekusavimbika kwehurumende vadzidzisi vanenge vamaka mazamanishoni vanofanirwa kupihwa mari dzavo pavanenge vapedzera kumaka.

VaZhou vanoti panofanirwa kuumbwa sangano rinomiririra vadzidzisi vanomaka mazamanishoni uye kana hurumende isinga kwanise kubhadhara ipapo vanofanirwa kutenderana kuti mari iyi izopihwa ari madhora ekuAmerica isinga vhiringwe zvakanyanya nekukwira kwezvinhu.

Mutauriri webazi rinoita nezvebvunzo munyika reZimbabwe Schools Examination Council- ZIMSEC- Muzvare Nick Dhlamini vanobvuma kuti havasati vapa vadzidzisi vakamaka bvunzo mari dzavo asi vanoti kana vadzidzisi vakamaka vaine dambudziko nekunonoka kupihwa mari dzavo vanoziva gwara rekutora kuzvitsa zvichemo zvavo.

Vadzidzisi vaimaka bvunzo vaibhadharwa zvichienderana nemapepa avanenge vamaka uye kumaka bepa rimwechete vaibhadharwa masenzi makumi mapfumbamwe nematatu kana kuti US$0.93. Vazhinji vavo vakamaka mapepa

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG