Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, China, Chivabvu, 05, 2022


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Mutungamiriri webato reZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vanovhura musangano wevechidiki webato ravo, vachiti Zanu PF iri kugadzirira vechidiki kuti vatore zvigaro zvekutonga mumusangano nemunyika vachiti ndosaka vese vechidiki vari kusiya zvigaro muYouth League vave kupihwa zvigaro muCentral Committee yebato iri.
Magweta opa ZUPCO mazuva maviri kuti igadzirise dambudziko rezvekufambisa romanikidza vanhu kufamba nzendo refu nekubhadhariswa mari yakawanda nevemichovha. Kukundikana kugadzirisa dambudziko iri ZUPCO ichaendeswa kumatare.
Vanoongorora zvematongerwo enyika vozeya matambudziko ekushaikwa kwezvekufambisa mumaguta makuru emunyika, panguva iyo hurumende iri kubvuma kuti hurongwa hwekuti ZUPCO ive iyo chete inotakura vanhu hwakundikana, ukuwo vanopikisa vachiti panofanirwa kuitwa zvakawanda kugadzirisa dambudziko iri zvinosanganisira kubvumidza makambani akawanda kutakura vanhu.
ZIMSEC yokundikana kubhadhara vakamaka bvunzo dzegore rapera.
Studio 7 yoita hurukuro nemutambi weRugby akaita mukurumbira Tendai “The Beast” Mtawarira nezvekusarudzwa kuva mumiriri weUNICEF.
Muchirongwa cheLiveTalk Women’s Roundtable na8 pm tiri kutarisa nyaya yekunetsa kwezvekufambisa ZUPCO ichopomerwa mhosva yekutadza basa.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG