Accessibility links

Breaking News

Vana Vakawanda Votadza Kubhadhara  Mari yeDzidzo Asi Hurumende Ichiti Hayo Yagadzirisa Zvakawanda.


Zviroko zvakavhurwa nezuro asi matambudziko atotanga kunyuka varairidzi vachinunyuta nemari dzavari kutambiriswa, vabereki vachitiwo havasi kukwanisa kubhadhara mari dzechikoro sezvo vasina kuwedzerwa mari.

Vamwe vachiri kutyawo kuti chirwere cheCovid-19 chinogona kutanga kupararira.

Asi mutauriri we bazi rezve Dzidzo VaTaungana Ndoro vanoti hapana chekutya.

Vaenderera mberi vachiti vakagadzirira kurwisa denda reCovid-19.

Asi mutungamiriri we sangano revarairidzi re Amalgametd Rural Teachers Union (ARTUZ) VaObert Masaraure vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvikoro.

Mutungamiri wesangano revarairidzi reProgressive Teachers Union, VaTakavafira Zhou vatiwo hurumende haisati yazadzisa zvayakavimbisa zvapa kuti vaomerwe nezvinhu.

Vaimbove murairidzi vave pamudyandidyere, Mbuya Christina Mawire vanoti mari dzavanopihwa dzemudyandigere nedzavanoshavawo mumabhindauko hadzisi kukwana kuendesa vana kuzvikoro.

Mashoko aya atsinhirwa naAmai Susan Lunga vari mukomiti yevabereki mune chimwe chikoro kuKuwadzana.

Kushaya simba kwedhora remunyika kunonzi kuri kupa kuti zvikoro zvakawanda zvikwidze mari yedzidzo asi kune rimwe rutivi mari dzemihoro dzisiri kuwedzerwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG