Accessibility links

Breaking News

Dare reParamende Roronga Kubvunza VaMnangagwa nezveHuori Muhurumende Yavo


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa 
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa 

Mumiriri weNorton mudare reparamende VaTemba Mliswa vakaudza vatori venhau kumucheto wemusangano wekomiti inoona nezvebhajeti kuti vane hurongwa hwekudaidza mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vataure nezvenyaya yehuori huri kupomerwa makurukota avo nevamwe vashandi vehurumende.

VaMliswa ndivo zvekare sachigaro wenhengo dzeparamende dzemuAfrica dzinorwisa huori reAfrica Parliamentarians Against Corruption (APNAC).

Vatiwo mahofisi aAuditor-General anoburitsa humbowo hweuori mumapazi nemakambani ehurumende asi hapana matanho ari kutorwa kugadzirisa nyaya iyi.

Vanoti nekuda kweizvozvo, mutungamiriri wenyika pachavo, VaMnangagwa, vave kufanira kutsanangurira nyika kuti sei makurukota avo asiri kugadzirisa nyaya dzehuori kana kusadzingwa.

VaMliswa avo vanozvimirira, vati nhengo dzemapato ezvematongerwo enyika muparamende dziri kutadza basa nekuti dzinotya kutora matanho kumakurukota ehurumende anobva kumapato adzo nekuda kwebumbiro remutemo rino pasimba kumapato ezvematongerwo enyika panhengo dzawo muparamende.

Vatiwo izvi ndizvo zviri kukanganisa mabasa eparamende ekurwisa huwori.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekushandiswa kwemari, yePublic Accounts Committee (PAC), VaBrian VaDube, vati vanobvumirana naVaMliswa kuti VaMnangagwa vanofanira kusheedzwa kuparamende kuzotsanangura kuti sei vashandi vehurumende nemakurukota ehurumende vari kuramba vachiita zvehuori vasingasungwe kana kudzingwa basa.

Sachigaro wekomiti paramende yeBhajeti zvakare vari nhengo yeZanu PF, Dr Matthew Nyashanu, vanoti vari kushikanawo zvikuru kuti zvizhinji zvinonzi zvigadziriswe naAuditor-General gore negore hazvisi kugadziriswa.

Mapazi nemakambani mazhinji ehurumende haasikutevdzera mutemo wekushandiswa kwemari, wePublic Finance Management Act, uyewo pane dzimwe nguva bazi remari rinobhadhara zvinhu kaviri kaviri kaviri kana kuti mapazi ehurumende asingatozive kuti chiichirikutengwa.

Dr Nyashanu vanoti vave kuda kuti gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube pachavo vadaidzwe kuzotsanangurira matanho avachatora kugadzirisa nyaya iyi.

APNAC, PAC pamwe nekomiti yebhajeti vanobvumirana kuti huwori hwasvika pakaipa uye paramende, mapurisa, National Prosecuting Authority pamwe neZimbabwe Anti-Corruption Commission vanofanira kupihwa mari nezvikwanisiro kuti vakwanise kuita rekurwisa huwori munyika.

VaMliswa vanotiwo mune remangwana paramende haifaniri kupasa mabhajeti emapazi ehurumende anoita zvehuwori.

Kubvira muna2014, Auditor-General Amai Mildred Chiri vange vari kuburitswa mangwaro anoratidza huwori pamwe neeksafambiswa zvakanaka kwemari uye hapna zviri kugadziriswa kupedza dambudziko iri.

Amai Chiri vakaudza vatori venhau masvondo maviri apfuura kuti vari kushanda nemapazi akaita seZACC kugadzirisa dzimwe nyaya uyewo vakati mamwe mapazi ehurumende ari kugadzirisa zvinhu.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda vakazvimirira VaMasimba Manyanya vanoti nyaya dzehuwori dzinonetsa kugadzirisa nekuti pane vakuru vakuru muhurumende vanoitawo zvehuwori

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG