Accessibility links

Breaking News

ZINASU Yoronga Kuratidzira Zvine Mutsindo Ichinyunyuta neMari dzeDzidzo


Zinasu
Zinasu

Sangano reZimbabwe National Students Union (ZINASU), rinoti riri kuromga kuvharisa zvikoro zvese zvepamusoro munyika musi weMuvhuro svondo rinouya senzira yekumanikidza hurumende kuti iite nhaurirano nevadzidzi.

Vadzidzi vanoti mari dzavari kubhadhariswa dzakawandisa uye vabereki vavo havasi kuwedzerwa mari dzemihoro. Vanoti vakamboyedza kutaura negurukota rezvidzidzo yepamusoro VaAmon Murwira asi hapana chakabuda.

Mutauriri weZINASU VaLenon Mazuru vatiwo zviri nani kubatana nemasangano evarairidzi nevashandi mukuratidzira mukuyedza kumanikidza hurumende kuti iteerere zvichemo zvavo.

Asi vachitaura mudare reparamende VaMurwira vakati mati kana pachitariswa chikero chemari yekuAmerica haina kuwedzerwa kubva muna 2014.

Asi vadzidzi vanoti vabereki vavo havatambire mari iri kutaurwa iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG