Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Chipiri, Chivabvu 3, 2022


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Zimbabwe inobatana nenyika dzepasi rese kucherechedza zuva reWorld Press Freedom Day, vatori venhau munyika vachikurudzira, hurumende vezvematongerwo enyika pamwe neveruzhinji kuti varemekedze kodzero dzevatori venhau pamwe nekusimudzira mabasa ekufambiswa kwemashoko vachiti kana izvi zvikaiti nyika inobudirira.

Zvikoro zvovhurwa nhasi vamwe varairidzi vachiramwa mabasa.

Rimwe sangano revadzidzi reZimbabwe National Students Union (ZINASU), rinoti riri kugadzirira kuvhara zvikoro zvese zvepamusoro munyika musi weMuvhuro svondo rinouya senzira yekumanikidza hurumende kuti ipinde munhaurirano nevadzidzi panyaya yekukwidzwa kwemari yedzidzo.

Nyanzvi dzezvehupfumi dzozeya kukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation mumwedzi waKubvumbi kuenda pazvikamu gumi nezvishanu nezviga zvishanu kubva muzana (15.5 percent) kubva pazvikamu zvitanhatu nezviga zvitatu kubva muzana (6.3 percent) mumwedzi waKurume.

Muchirongwa cheThe Connection na8 pm chatinotaura nevechidiki, tiri kutarisa nyaya yezuva revatori venhau kana kuti World Press Freedom Day riri kucherechedzwa pasi rose nhasi

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG