Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, China, Kubvumbi 28, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Mashoko emutungamiri webato rinopikisa muSouth Africa reEconomic Freedom Fighters VaJulius Malema ekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi zvidzokere kumusha zvinovhota kubvisa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pachigaro okonzera mutaura wakanyanya. Vamwe vari kuvatsigira asi vamwe vachivashora.

Musika weZITF woenderera mberi kuBulawayo mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vavhura zviri pamutemo musangano weConnect Africa Symposium wapindwa nevesangano reComesa, United Nations neSADC.

Zimbabwe National Statistics Agency inoti mhuri ine vanhu vatanhatu yave kuda mari inosvika zviuru makumi matanhatu nemasere zvine zana nemakumi manomwe nemasere kana kuti 68 178 kuti irarame.

Mutungamiri wenyika yeUkraine VaVolodymyr Zelenskyy nhasi vaita musangano nemunyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres muKyiv nhasi mukutsvaga nzira dzekumisa hondo yekurwiswa nenyika iyi neRussia.

Muchirongwa chedu cheWomens Round Table na8pm nhasi tiri kutarisa matambudziko ari kusangana nezvizvara zveZimbabwe zviri muSouth Africa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG