Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oparura Chirongwa Chekudzinga Vanotengesa Mumigwagwa, 'veMishikashika' neVana Vasina kweKugara muGuta reHarare


Mapurisa ekanzuru achisunga vanotengesa mumigwagwa
Mapurisa ekanzuru achisunga vanotengesa mumigwagwa

Mapurisa aparura chirongwa chekubvisa muguta reHarare mishikashika, vana vanogara mumigwagwa uye vanotengesa zvinhu.

Mamwe masangano akaita sePassengers Association of Zimbabwe anoti zvinogona kupinza hupenyu hwevanhu munjodzi panenge poitwa hwakiti nagonzo mapurisa achimhanyisa vanhu ava.

Mapurisa aabatana neve ZINARA, VID, kanzuru dzeRuwa, Chitungwiza,ye Epworth, neye Harare nevebazi rezvemagariro evanhu muchirongwa ichi.

Mutevedzeri wemutauriri we Mapurisa mudunhu re Harare, Assistant Inspector Webster Dzvova, vakazivisa mutsamba yavo nezuro kuruzhinji rwenyika kuti Harare yese ichange ichi mhanyidzana nechirongwa ichi kubva nhasi kusvika mukupera kwesvondo rino. Asi vanotengesa mumigwagwa vaudza Studio 7 kuti havazi kuzotyityidzirwa ne mapurisa kuti varege kushanda.

Mukuru wesangano re vanotengesa, reVendors Initiative for Social and Economic Transformation (VISET), VaSamuel Wadzayi vaudza Studio 7 kuti vanotengesa mumigwagwa havabve nekuti nyika haina mabasa.

Hurukuro naVaSamuel Wadzai
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG