Accessibility links

Breaking News

VaChiwenga Vanoti Hondo kuUkraine neNhafu yeVamwe veMabhizimisi Yokanganisa Hupfumi


Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwemga
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwemga

Mutevevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vavhura zviri pamutemo hurongwa hwemabhizimisi kana kuti International Business Conference (IBC) kuZimbabwe International Trade Fair kuBulawayo vachiti hondo pakati peRussia neUkraine yave kukanganisa nyaya dzezvehupfumi muZimbabwe.

Vaaenderera mberi vachiti maindasitiri emunyika ari mugwara rakanaka rekuramba achisimukira zvisinei nezvimhingamupinyi zvakasiyana-siyana. VaChiwenga vati vemabhizimisi havafanirwe kukwidza mitengo yezvinhu zvenhando.

Asi vati vemaindasitiri nevemabhizimisi vanofanirwa kuona zvimhingamupinyi zvakadai kunyanya kuveko kwechirwere cheCovid semukana wekuti vagone kusimudzira mabasa avo nenzira dzakasiyana-siyana nekushandisa mafungiro matsva.

VaChiwenga vati hurumende yakazvipira kuti kuitwa kwebhizimisi munyika kuve nyore vachiti kurerutswa kwemitemo yekuvhura makambani, kuvakwa kwemigwagwa uye kuvandudzwa kwekugaiwa kwemagetsi ndezvimwe zvezvinhu zviri kuitwa nehurumende kuti isimudzire hupfumi hwenyika.

Asi vatiwo vamwe vemabhizimisi vari kukwidza mitengo yezvinhu nekuda kwezvikonzero zvisina tsarukano kusanganisira kuda kuzvipfumisa vakakomekedza kuti vasaite izvi. Vati hurumende kuburikidza nebhanga renyika reReserve Bank of Zimbabwe iri kutora matanho ekuita kuti mitengo yezvinhu isagara ichikwira.

VaBusisa Moyo ndivo sachagaro wekambani yeZITF uye variwo mukuru mukuru wekambani yeUnited Refineries. Vachitaura pamusangano mumwe chete VaChiwenga vasati vataura, VaMoyo vati pane zvinhu zviri kufadza muhupfumi hwenyika kusanganisira kuti mashandiro eindasitiri munyika ari kukwirira, pane zvakawanda zvinosanganisira kusave nemitemo yakajeka uye kushomeka kwemari yekunze zviri kuda kugadziriswa.

Izvi zvatsinhirwawo nemutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries VaKumbirai Matsehza.

Vachipa maonero avo pamashoko avaChiwenga ekuti hondo yekuUkraine iri kukanganisawo zvehupfumi munyika, VaFelix Chari avo vanove mudzidzisi wezvidzidzo zvepamusoro zvehupfumi vati ichi ichokwadi kana kuchitariswa kusagadziakana kwemitengo yemafuta emotokari uko kuri kuitika pasi rose kubva pakatanga hondo iyi. Asi vatiwo Zimbabwe yagara iine matambudziko ayo ari kuvhiringidza kufamba zvakanaka kwehupfumi.

Zvichakadaro gungano regore rino rine vari kuratidza zvigadzirwa zvavo vanobva kunze kwenyika vashoma pane mamwe makore apfuura.

VaReginald Shoko avo vanove muongorori wezvehupfumi anoshanda akazvimirira, vati izvi hazvinyanyoshamisa kana kuchitariwa kuti denda reCovid harisati rapera.

Gungano reZITF rakatanga nemusi weChipiri uye rinopera nemusi weMugovera. Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanotarisirwa kuvhura gungano iri zviri pamutemo nemusi weChishanu.

Nyaya Ina Kudzanai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG