Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzotanga Kuvheneka Mitumbi yeVashanu Vakatsvira paTsaona yeMumugwagwa kuMashava


Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi
Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi

Mapurisa anoti nyanzvi dzatanga basa rekuvheneka mitumba yevanhu vakashaya neChipiri munjodzi yemumugwagwa kuMashava kuti vaone kuti ndivananani sezvo moto wakabvira patsaona wakapa kuti vatsve zvekusazivikanwa.

Motokari yeToyota March X neye Toyota Corrola. Mutyairi wemotokari yeToyota March X anonzi akayedza kupfuura motokari yeHonda Fit iyo akadhuma kumashure asati aenda kunodhumana neToyota Corolla yaibva kune rimwe divi.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner, Paul Nyathi vati hapana akararama pavanhu vose vaiva mumotokari mbiri idzi.

Assistant Commisssioner Nyathi vati mazita evakashaika haasati abudidiswa uye achaziviswa hama dzevanhu ava kana mitumbi yaongororwa kuti ndeyani kuchipatara.
Nezuro wakare vanhu vasere vakafawo mutsaone yemumugwagwa kuHarare nekuBulawayo. Zimbabwe inyika inonzi neUnited Nations ine vanhu vakawanda vanofa mutsaona dzemumigwagwa.

Sangano reTraffic Safety Council of Zimbabwe kana kuti TSCZ rinoti huwandu hwevanhu vari kufa nenjodzi dzemumugwagwa muZimbabwe hwakakwira kubva pavanhu chiuru chimwe chete nemazana masere nemakumi matatu nevatanhatu 1, 836 muna 2016 kusvika pavanhu zviuru zviviri 2000 pagore muna 2017 na 2019.

Nyaya Ina Godfrey Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG