Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chitatu, Kubvumbi 27, 2022


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutevevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vavhura zviri pamutemo hurongwa hwemabhizimisi kana kuti International Business Conference (IBC) kuZimbabwe International Trade Fair kuBulawayo vachiti hondo pakati peRussia neUkraine yave kukanganisa nyaya dzezvehupfumi muZimbabwe.

Mapurisa anoti vanhu vashanu vakatsva zvekusazivikanwa mune imwe njodzi yemumugwagwa pakabonderana motokari mumugwagwa weMasvingo-Mbalabala nezuro.

Mapurisa aparura chirongwa chekubvisa muguta reHarare mishikashika, vana vanogara mumigwagwa uye vanotengesa zvinhu. Mamwe masangano akaita sePassengers Association of Zimbabwe anoti zvinogona kupinza hupenyu hwevanhu munjodzi panenge poitwa hwakiti nagonzo mapurisa achimhanyisa vanhu ava.

Mutambi anoita zvekutyora vanhu mbabvu Clive Chigubu ashaya nechirwere chegomarara. Chigubu akambopihwa mubairo weNational Arts Merits Awards kana kuti NAMA 2015.

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rinoti nyaya yekushaya mari ndiyo iri kupa kuti rikundikane kuita kongiresi yaro pamberi pesarudzo dza2023. Asi vamwe vanoti zvinodzosera kumashure hutongo hwejekerere.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muno muAmerica zvakawana mukana mukupera kwesvondo wekusangana negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube muWashington DC vachizeya nezvemikana yekuvhura mabhizimusi kana kudyara mari kumusha.

Muchirongwa cheDiaspora Forum na8 pm chatinotarisa zvinosangana nezvizvarwa zveZimbabwe tiri kutarisa mashoko egurukota rezvemari VaMthuli Ncube ekuti vari kunze vane mukana wakakura wekuti vatange mabhizimisi munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG