Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotadza Kubhadhararira Vana veVarairidzi Mari yeDzidzo Sezvayakavimbisa


VaMthuli Ncube gurukota rezve mari
VaMthuli Ncube gurukota rezve mari

Rimwe sangano revarairidzi, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe (ARTUZ), ranyora tsamba kumapazi ehurumende anoti, rezve mari uye rezvevashandi richicda kuziva nezvemari yavakavimbiswa nehurumende kuti vachabatsirwa kubhadharira vana vavo chikoro.

Munyori mukuru we sangano re ARTUZ, Va Robson Chere vanotiwo vari panguva yakaoma sezvo zvinhu zvese zviri kukwira mitengo asi hurumende haisi kuzadzisa zvibvumirano zvayo nevashandi.

Gurukota rezvevashandi Muzvinafundo paul Mavima vakaudza Studio 7 kuti vakagadzirira kuita hurukuro nevashandi asi havafarire tsika yavo yekuda kuti kana zvikoro zvovhurwa votaura zvekuramwa mabasa vachiti vave kushandisa vana vechikoro muhondo dzavo.

Hurumende inoti varairidzi vakawandisa nekudaro zviri kutora nguva kuti igadzirise mapepa ekuti ibhadhare mari dzechikoro dzevana vavo.

Hurukuro naVaRobson Chere
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG