Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votarisirwa Kuvhura ZITF Mushure Mekutadza Kuuya kwaVaUhuru Kenyatta


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vave kutarisirwa kuvhura zviri pamutemo musika wepagore wekutengeserana weZimbabwe International Trade Fair kana kuti ZITF kuBulawayo.

ZITF inovhurwa mangwana yopera neMugovea. Mutungamiri wenyika yeKenya VaUhuru Kenyatta vange vachitarisirwa kuuya vakundukana sezvo vave kutungamira hurongwa hwekuchema vaive mutungamiri wenyika iyi VaMwai Kibaki vakashaya nemusi weChisanu svondo rapera.

Dingindira regore rino rakanangana nekukuvanudza mpfungwa nemuonero panyaya yekugadzira zvinhu nekuunza budiroro munyaya dzezvehupfumi kana kuti “Rethink, Reimagine, Reinvent, Value Chains for Economic Development”.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi VaMasimba Kuchera vanoti musika uyu wakakosha zvikuru mukusimudzira hupfumi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG