Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanoti Havadzokere kuMabasa Pasina Mari yeKubatsirikana


Vana vechikoro kuChitungwiza
Vana vechikoro kuChitungwiza

Varairidzi vanoti kunyangwe zvikoro zvikavhurwa havasi kuzoenda kubasa sezvo vasina zvikwanisiro zvakakwana uye mari yavari kutambira ishoma zvikuru.

Asi vachipindura gurukota rinoona nezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vaudza Studio 7 kuti mamwe masangano evarairidzi ave kuda kushandisa vana vechikoro kuti vawedzerwee mari vachiti haisi tsika yakanaka.

Mutungamiri werimwe sangano rinomiririra vadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe kana kuti PTUZ Doctor Takavafira Zhou vanoti nhengo dzavo hadzisi kuzoenda kubasa svondo rinouya panovhurwa zvikoro sezvo vasisina mari nekuti vari kutambira mari shoma zvikuru.

VaZhou vanoti hurumende inofanirwa kuvapa mari yekumbofanobatsirikana. Vaendereramberi vachiti chinonyanya kuvarwadzawo kuti vamwe vashandi vehurumende vakaita semauto vakawedzerwa mari dzemihoro asi ivo havana.

Izvi zvatsigirwa nemutauriri werimwe sangano rinomiririra vadzidzisi reZimbabwe Teachers Union kana kuti ZIMTA VaGoodwill Taderera avo vanoti hurumende iri kuda kupatsanura vashandi nekupa vamwe ichinyima vamwe.

VaTaderera vanoti kuenda kubasa kuchanetsa sezvo vasina mari nekuti mari shoma yavanotambira haikwane. VaTaderera vanoti hurumende inofanirwa kutaurirana nevadzidzisi zvikoro zvisati zvavhurwa.

Mumwe mudzidzisi wemuChinhoyi VaRosten Mutapwa vanoti sevadzidzisa vanoita basa guru izvo zvakaratidzwa nekupasa kwakaita vana nekudaro vanofanirwa kupihwa muripo wakaringana.

Mutungamiri webato rinopikisa reLabour Economists and African Democrats -LEAD- Muzvare Linda Masarira vanoti hurumende inofanirwa kuwedzera vashandi vose vehurumende mari dzemihoro.

Varairidzi vave nenguva yakareba vachiti vari kuda kupihwa mihoro nemari yekuAmerica asi hurumende ichitsika madziro. Kushaya simba kwedhora remunyika kwave kupa kuti vashandi vakawanda vanonge svosve nemuromo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG