Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Muvhuro, Kubvumbi 25, 2022


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Bazi rehurumende reZimbabwe Energy Regulatory Authoirty(ZERA) nhasi rakwidza mitengo yemafuta edzimotokari izvo zvakatyamadzwa vanhu munyika sezvozvichireva kuti mitengo yezvinhu ichawedzerwawo zvakanyanya.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vave kutarisirwa kuvhura zviri pamutemo musika mukuru wekutengeserana weZimbabwe International Trade Fair kuBulawayo mushure mekunge mutungamiri weKenya VaUhuru Kenyatta vati havachakwanise kuuya mushure mekushaya kwevauve nutungamiri wenyika iyi VaMwai Kibaki.

Varairidzi vanoti havasi kuzoenda kuzvikoro pazvinovhurwa kana vasina kupihwa mari yekubatsiriana sezvo zvinhu zvaita manyama amire neronga nekushaya simba kwedhora remunyika.

America inoti yave kuvhura muzinda wayo kuUkraine nekutumira zvekare zvimwe zvombo zvehondo kubatsira nyika iyi iyo iri kurwiswa neRussia.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk ba8 pm nhasi tiri kutarisa nezvemusika weZimbabwe International Trade Fair kuBulawayo uyo uri kutanga mangwana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG