Accessibility links

Breaking News

Pasi Rose Robatana muKucherechedza Zuva reWorld Earth Day


World Earth Day
World Earth Day

Musi wa22 Kubvumbi izuva rekutsigira kuchengetedzwa kwezvakatikomberedza, re WORLD EARTH DAY, pasi richibatana mukucherechedza kukosha kwenyika nezviwanikwa zviri mairi.

Zuva iri rakatanga kucherechedzwa mugore ra 1970 musi wa 22 Kubvumbi munyika ye America senzira yekuratidza rutsigiro mukuchengetedzwa kwemasango, nyika nezviwanikwa.

Zuva reWorld Earth Day rinounza yeuchidzo yekuti munhu wese ane basa rekuchengetedza nyika kuti iyo nyika imuchengetedzewo. Zuva iri rinocherechedzwa nenzira dzakasiyanasiyana munyika dzakawanda, zvichienderana nezvirongwa zvinenge zviripo.

Mitemo mizhinji ine chekuita nekuwanikwa kwemvura nemweya wekufema wakachena munyika dzakawanda kusanganisirawo Zimbabwe, yakaumbwa ichitevera nzira yakakurwa nezvinangwa zvezuva iri.

Nyanzvi munyaya dzebudiriro vari mukokeri mukuru wezvirongwa zvevechidiki mubazi rezvekurima nekusimudzirwa kwematunhu, VaNickros Kanjengo vanoti hurumende yeZimbabwe ine zvairi kuita zvinopa zuva iri chiremerera mukuchengetedza masango nematunhu.

Sachigaro we bhodhi re Agricultural and Rural Development Association - ARDA, varizve mutungamiri weHarare Agricultural Show Society vachishanda nekambani yeAgriseeds, Va Ivan Craig, vanoti varimi vave kuona kuti mamiriro ekunze akachinja asi havasati vaziva kuti vodii nechimiro ichochi, vachiti vanotoda kudzidziswa.

Murimi ane mukurumbira, vari mukuru wesangano re 4-H Foundation, VaJohn Muchenje, avo vanotenderera ne Zimbabwe vachidzidzisa chirongwa chekurima chepfumvunza, vanoti varimi havasati vaziva kukosha kwekuchengetedza masango nemvura, kunyanya kumatunhu anorimwa fodya.

Mukuru wesangano remubatanidzwa wevarimi vemu Zimbabwe, re Integrated Commercial Farmers' Union, Amai Maiwepi Jiti, vanoti Masangano evarimi ari kukurudzira varimi kuti vachengetedze zviwanikwa mumatunhu avagere.

Mukuru we sangano re Community Working Group on Health(CWGH) , VaItai Rusike vanoti vanhu vanofanirwa kudzidziswa kukosha kwenyika nematunhu vachitapudza kushandiswa kwezvikuvadzi zve nyika( Ozone Layer).

Ko vanhuwo zvavo vari kumaruwa vanoziveiwo nezvekuchengetedzwa kwezvakavakomberedza zvakaita semasango?

Mbuya Mbizi vari kumapurazi ekwa Munyati, kuChikomba, vanoti vakakura masango achiyera achichengetedzwa asi iko zvino yangova njake njake, vachiti dai hurumende yabatsira vanhu kuti vasingazivi vadzididziswe kukosha kwematunhu.

Nyangwe hazvo zuva reWorld Earth Day risinganyanyi kucherechedzwa mu Zimbabwe, zviri pachena kuti kunyange munyika muine dambudziko rekusabatwa zvakanaka kwematunhu nemasango, kune vari kumiramirawo kudzidzisa veruzhinji nezve kuchengedza masango, nevamwe vari kutoita zvakasiyanasiyana kugadzirisa nyika kuburikidza nezvirongwa zvakaita sekudyara miti, kugadzira makandiwa, nekurima kure nenzizi.

Nyaya ina Evans Zininga
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG