Accessibility links

Breaking News

FIFA Yoyambira ZIFA Kuti Haisi Kuzotambira Zvichabuda muMusangano weMugovera, Kunze kweKudzosa Vaive Mutungamiri weZIFA, VaKamambo


ZIFA
ZIFA

Sangano rinotungamira nhabvu pasi rose reFIFA rayambira gungano reZIFA Assembly kuti harisi kuzotambira zvichabuda pamusangano waro neMugovera kusvikira Zimbabwe yazadzisa chisungo chekuti idzore VaFelton Kamambo pabasa semutungamiri weZIFA.

Tsamba yakabva kuFIFA nezuro inoti sangano iri richatambirwa chete zvinobva kuZimbabwe kana VaKamambo nevamwe vavo vadzorwa pabasa nesimba ravaive naro kare.

ZIFA Assembly yanga ichisangana neMugovera kuti isimbise kudzinga VaKamambo basa sezvakaitwa nebazi rehurumende reSports and Recreation Commission, SRC.

FIFA yakadzinga Zimbabwe munhabvu yepasi rese nemhaka yekupindira kweSRC mukufambiswa kwemabasa enhabvu mushure mekunge yadzinga VaKamambo.

Mitemo yeFIFA haitendere hurumende kana mapazi ayo kuve nechekuita nekutungamirwa kwemutambo uyu.

Zvichakadaro, mutambi wenhabvu wemuZimbabwe Tendai Darikwa atarisana nezuva guru muEnglish League One muzuva iro muZimbabwe munewo mitambo mikukutu.

Darikwa mangwana ari kupinda munhandare ari kaputeni weWigan vachida kukunda Plymouth Argyle kuti vawane tikiti rekupinda muEnglish Championship mumakundano emwaka unotevera.

English Championship ndiyo inotevera English Premier League muhurongwa hwenhabvu muEngland.

Pari zvino, Darikwa neWigan vari pamusoro petafura yeLeague One nemapoinzi makumi masere nemasere vakasiya Rotherham nemapoinzi mashanu kwasara mitambo mitatu.

Vakakunda mangwana vapinda muEnglish Championship zvisineyi nekuti zvimwe zvikwata zvatamba sei.

Jordan Zemura ari muEnglish Championship neBournemouth asi atarisanawo nekupinda muPremiership sezvo chikwata chake chiri pachinhanho chechipiri, mapoinzi mana pamusoro peHuddersfield iyo yatamba mitambo miviri pamusoro. Bournemouth, iyo ine mapoinzi makumi manomwe nemanomwe, iri kutamba mangwana neFulham, iyo iri kutungamira mumakundano aya iine mapoinzi makumi masere nemasere.

Chimwe chikwata chemuChampionship chine mutambi wemuZimbabwe iReading iyo iri kusangana neHull City mangwana zvakare.

Zvichakadaro, muZimbabwe munewo mitambo mikuru zvekare apo Dynamos, iyo iri kutungamira makwikwi aya iri pamusha neManica Diamonds neSvondo.

Manica Diamonds iri pachinhanho chechitatu uyezve yakasimba zvikuru mushure mekutenga vatambi vane mukurumbira kubva kune zvimwe zvikwata.

Asi aimbotambira Dynamos, Chamunoda Musanhu, anoti chikwata chake chine mukana wakasimba wekukunda mumutambo uyu.

Asi mitambo iri kutanga Mugovera apo Chicken Inn, iyo yakaenzana neDynamos pamapoinzi, ichikwanisa kumboenda pamusoro petafura nekurova Bulawayo City muLuveve.

Chicken Inn neDynamos dzine mapoinzi makumi maviri nematatu asi Dynamos iri pamusoro nezvibodzwa.

Asi muongorori wemutambo wenhabvu VaAlbert Mutero vanoti Chicken Inn isafunge kuti yakatorova Bulawayo City kare mutambo usati watambwa.

NeMugovera zvekare, FC Platinum, iyo ine mukombe uyu, iri kushanyirwa neHighlanders iyo iri mumabiko mushure mekutora mukombe weIndependence Cup.

Asi Caps United ine rwendo rwakaoma neSvondo apo yakananga kuGibbo Stadium kunosangana neTriangle.

Ma"Sugar Sugar Boys" ari kubaka moto zvekuti ari pachinhanho chechina akaenzana pamapoinzi neManica Diamonds iyo iri pachinzvimbo chechitatu. Caps United yacho iri pachinhanho chechinomwe.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi; Mugovera, Tenax vs Yadah kuSakubva,

Harare City vs Black Rhinos kuNSS, ZPC Kariba vs Ngezi Platinum -kuNyamhunga

NeSvondo, Cranbourne Bullets ichasanga neHerentals kuSakubva kuchitiwo Bulawayo Chiefs ichirovana neHwahwa muLuveve.

Totarisa mutambo we rugby. Chikwata cheZimbabwe chemaCheetahs chasvika muUganda kumakundano eAfrica Sevens Cup ayo arikuitwa kwemazuva maviri kutanga neMugovera.

Zvikwata zvitatu kubva pazvikwata gumi nezvina zviri muKampala zvichabudirira kuenda kumakundano e2022 Sevens Rugby World Cup ayo achaitirwa muCape Town, South Africa.

Zvikwata zvakaungana muUganda izvi iBotswana, Burundi, Burkina Faso, Cameroon, Ghana, Kenya, Madagascar, Mauritius, Namibia, Senegal, Tunisia, Uganda, Zambia neZimbabwe.

Zvikwata zviri kunyanyotyisa kumakwikwi aya iKenya neUganda. Zimbabwe iri kutungamirwa nakaputeni wayo Kudzai Mashawi.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG