Accessibility links

Breaking News

Bato reCCC Ropika Kuti Harisi Kuzotevera Danho reGurukota rezveKutongwa kweMatunhu, VaMoyo, Rekurambidza Makanzura Matsva Kubata Zvigaro


Gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo. (Columbus Mavhunga/VOA)
Gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo. (Columbus Mavhunga/VOA)

Bato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change rinoti harisi kuzotevera tsamba inonzi yakanyorwa negurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo, ichirambidza makanzura achangobva kusarudzwa musarudzo dzema by-election kutungamira makomiti emakanzuru kana kubata zvigaro zvameya.

Tsamba inonzi yakanyorwa naVaMoyo nemusi weChitatu svondo rino ichienda kumameya nemasachigaro emakanzuru inoti danho iri riri kutevera chikamu 114 chemutemo wekutongwa kwematunhu, uyo unoti meya, mutevedzeri wameya kana kanzura anobviswa chete pachigaro nedare re Tribunal kana kuti chikamu 129 chebumbiro remitemo, kana kuti pachinge paita chinzvimbo chinoda munhu.

Munyori anoona nezvekutongwa kwematunhu muCitizens' Coalition for Change, VaJacob Mafume, vanoti nhengo dzavo mumakanzuru dzichaenderera mberi nekuumba makomiti dzichiendesa mberi zvinangwa zvavakasarudzirwa, zvekuona kuti marara atakurwa uye kuwanisa vanhu mvura yakachena.

VaMafume vanoti ivo vanotevera chikamu 96 chemutemo wezvekutongwa kwematunhu we Urban Councils Act, icho vanoti chinovapa mvumo yekuita misangano uye kuchinja makomiti, vachiti ndiyo mharidzo yavanotevera, kwete yaVaMoyo iyi.

Izvi zviri kuuyawo panguva iyo makanzura eCitizens Coalition for Change muHarare avhotera VaEnock Mupamaonde vebato ravo kuti vabate chigaro chameya weguta iri, vachitorera VaStewart Mutizwa.

Studio yakundikana kubata VaJuly Moyo kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Hurukuro naVaJacob Mafume
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG