Accessibility links

Breaking News

VaPutin Vanoti Mauto eUkraine Akomberedzwa kuMariupol Asarwiswe Asi Pavari Pasapinde Kana Nhunzi


Mutungamiri weRussia VaVladimir Putin
Mutungamiri weRussia VaVladimir Putin

Mutungamiri wenyika yeRussia VaVladimir Putin vaudza mauto avo kuti asarwise mauto eUkraine zviuru zviviri asara ari panzvimbo ye Azovstal Steel Plant muguta reMariupol.

Guta rose reMariupol ratorwa neRussia kunze kwenzvimbpo iyi chete. Asi VaPutin vaudza gurukota ravo rezvekudzivirirwa kwenyika VaSergei Shoigu kuti vasatendere kana nhunzi chaiyo kupinda pane mauto eUkraine aya. Ukraine iri kukurudzira Russia kuti itendere vanhuwo zvavo kuti vabude muguta iri.

Vanhu zviuru zana vanonzi vari muguta iri uye vamwe vanonzi vakakuvara. Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAntony Blinken vashora zvikuru mamiriro akaita zvinhu muguta iri vachiti zvinotyisa. Vati zvakakosha kuti vanhuwo zvavo vabvumidzwe kubuda muguta iri.

Russia iri kurwisawo dunhu reDonbas kumabuda zuva kweUkraine. Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vari kutarisirwa nhasi kuti vataure nezverubatsiro rwunodarika mamiriyoni mazana masere kana kuti 800 million rwavari kupa kuUkraine rwunosanganisira zvombo.

America nezuro yakatemerawo zvirango kune vamwe vemabhizimisi vemuRussia nemamwe makambani.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG