Accessibility links

Breaking News

AU Yotumira Chikwata Chekuona Kuti Zimbabwe Ingavakirwe here Muzinda weMushonga weChivanhu


Chikwata cheAfrican Union chiri kuongorora kuti Zimbabwe yakakodzera here kuti ivakirwere muzinda mukuru wesangano iri wemishonga yechivanhu kana kuti African Medicines Agency.

Zimbabwe iri pakati penyika gumi neina dziri kuda kuti muzinda uyu uvakirwe munyika madzo.

Chikwaya chevanhu vapfumbamwe ichi chakatosangana nevakuru kubva kubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika uye rezvehutano.

Munyori we zvedzidzo musangano rinomiririra vanorapa nemishonga yechivanhu re ZINATHA, Sekuru Prince Sibanda vati zvinhu zvakanaka zvikuru Zimbabwe ikapihwa mukana wekuvakirwa muzinda.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG