Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, China, Kubvumbi 21, 2022


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Chirongwa chekuverengwa kwevanhu kana kuti census chotanga munyika nhasi pachitangwa nekuverengwa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemhuri yavo.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika vachishanda kuAfrica University, Dr Norman Pinduka, vaudzaa musangano wange wakarongwa neZimbabwe Democracy Institute (ZDI) kuti apo nyika yatarisana nesarudzo dza2023 pane mukana mukuru wekuti bato riri kutonga reZanu PF rinogona kukunda musarudzo idzi kunze kwekuti paita shanduko huru pamusoro pemafambisirwe anoitwa sarudzo munyika.

Air Zimbabwe yorambidzwa kubhururuka ichienda kunyika dziri mugungano reEuropean Unon ichinzi inogona kukonzera njodzi.

Vezvematongerwo enyika vozeya zvinoreva kuenda kwakaitwa nenhengo dzebato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change kumhemberero dzekusvitsa makore makumi mana nemaviri nyika yawana kuzvitonga kuzere.

Muchirongwa chedu cheWomens Round Table na8pm nhasi chatinotarisa zvinosangana nemadzimai muhupenyu hwavo, nhasi tiri kutarisa nyaya yemamiriro akaita zvinhu kumadzimai emuZimbabwe ari kuSouth Africa iko kwaberekera ingwe sezvo paine kunetsana pakati pezvizvarwa zveZimbabwe nezvenyika iyi panyaya yemabasa nezvimwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG