Accessibility links

Breaking News

Goho Rokanganiswa neMvura Zvowedzera Dambudziko reChikafu muNyika


Varimi vakawanda voshushikana nemvura yoramba ichinaya yokanganisa zvirimwa zvave kufanira kunge zvichikohwewa. Izvi zvinonzi zvichawedzera dambudziko rekushomeka kwechikafu munyika.

Zimbabwe senyika dzakawanda pasi rose iri kutatarika kuwana chikafu zvikur chibage negorosi kubva kuUkraine neRussia nekuda kwehondo iri munyika iyi.

Sangano reWorld Food Programe kana kuti WFP rakatoyambira kuti vanhu mamiriyoni mazana matatu nemakumi maviri nematatu kana kuti 323 million pasi rose kusanganisira muZimbabwe vakatarisana nenzara inotyisa.

Zvowedzerwawo nehondo yekurwiswa kweUkraine iyi. Nyanzvi munyaya dzezvemamiriro ekunze dzinoti dambudziko rekunaya kwemvura munguva ino riri kukonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze.

Nyanzvi munyaya dzezvekurima, vachishanda nevarimi nemasangano akazvimiririra VaAlex Mhlaba, avo vari pakati pekushanyira varimi vefodya mudunhu reChiweshe vaudza Studio 7 kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuvarimi nekunayisa kwemvura zvinogona kupa kuti zvirimwa zviorerere munyika.

Vanoti zvave kunetsa kuziva kuti mvura inouyariini. Vati varimi vanofanira kudyara mbeu dzinoibva nenguva pfupi uye kugadzira madhamu kuitira madiridziro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG