Accessibility links

Breaking News

SADC neAU Dzokurudzirwa Kupindira Pakurwiswa kweZvizvarwa zveDzimwe Nyika muSouth Africa Zvisati Zvapera Rumwe Rumwe


Vari kutungamira chikwata cheDdudula VaNhlanhla Lux
Vari kutungamira chikwata cheDdudula VaNhlanhla Lux

Sangano reZimbawe Exiles Forum riri kurudzira kuti SADC neAfrican Union dzipindire pakugadzirisa kurwiswa kwoitwa zvimwe zvizvarwa zvenyika dzemuAfrica zvirimu South Africa.

Mukuru wesangano iri vari gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaGabriel Shumba vanoti zviri pachena kuti Zimbabwe neSouth Africa dzakundikana kugadzirisa dambudziko iri.

Asi mumiriri weZimbabwe muSouth Africa VaDavid Hamadziripi vanoti vari kutaura nehurumende yeSouth Africa kuyedza kugadzirisa dambudziko iri.

South Africa inotiwo iri kuyedza kugadzirisa dambudziko iri ichiti vanhu vanomwe vari kupomerwa mhosva yekuponda chizvarwa cheZimbabwe mushakabvu Elvis Nyathi vakasungwa vakamiswa pamberi pedare muJohannesburg nemusi weChipiri.

Asi VaShumba vanoti muromo hauzarirwe nerwizi sezvo vatungamiri vachingotaura pasina zvavari kuita.

Zvizvarwa weSouth Africa zvakaita sezviri kutsigira chikwata cheOperation Dudula zviri kupomera zvizvarwa zvekune dzimwe nyika mhosva yekuzvitorerea mabasa uye kutengesa zvinodhaka nekuba.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG