Accessibility links

Breaking News

America, EU neDzimwe Nyika Dzotumira Zvombo Zvakawanda Kunobatsira Ukraine


Ukraine nhasi yati paitwa chibvumirano chisati chanyatsotambirwa hacho neRussia kuti vanhuwo zvavo vabvumidzwe kubuda muguta reMariupol iro riri kurwiswa zvakasimba neRussia.

Ukraine inoti iri kuda kuti madzamai, vana nevakqwegura vatenderwe kubuda muguta iri. Russia iri kutiwo mauto asara muguta iri akande zvombo pasi asi Ukraine ichitsika madziro. Russia iri kurwisawo zvakasimba rimwe guta riri kumabudazuva kweUkraine reDonbas.

Mukuratidza kutsigira Ukraine, mutungamiri weEuropean Council VaCharles Michel vaenda kuKyiv, guta guru reUkraine. Norway yatiwo yatumira Ukraine zvombo.

Mutauriri wemutungamieri wenyika yeAmerica Amai Jen Psaki vanotiwo nezuro VaJoe Biden vakatenderana nevatungamiri veBritain, Canada, the European Commission, France, Germany, Italy, Japan, NATO, Poland neRomania kuti vatumire zvimwe zvombo kuUkraine.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG