Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Chipiri, Kubvumbi 19, 2022


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Vanhu gumi nevana vakasunngwa nezuro vachipomerwa mhosva yekuponda VaElvis Nyathi vomiswa pamberi pedare nhasi.

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube voenderera mberi nemasangano yeIMF/Workd Bank muWashington DC.


Ongororo yakaitwa nesangano reConsumer Council of Zimbabwe inoratidza kuti mhuri ine vanhu vatanhatu yave kuda mari inoita madhora emunyika zviuru makumi mapfumbamwe nezviviri zvine zana nemakumi mapfumbamwe nemaviri kana kuti ZWL$92 192.89 kubva mukupera kwaKurume.

Mukuru wehofisi inoona nezvekufambiswa kwemari dzehurumende kana kuti Auditor General Amai Mildred Chiri vanoti zvavanobirutsa mungororo dzavo zvinobatsira nyika ndokunge mapazi ehurumende atevedzera kurudziro dzavanopa.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm nhasi Mike Hove weStudio 7 ari kuita hurukuro nevechidiki nezvakakoshera zuva rekuwana kuzvitonga kuzere.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG