Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe U23 Rugby Yorumbidzwa neKukwanisa Kuenda kuJunior World Cup


Zimbababwe yakarova Namibia-19-14 mumutambo wakatambirwa muNyayo National Stadium kuKenya. Zimbabwe yave kunobatana nezvimwe zvikwata zvisere zvinorura pasi rese muna 2023.

Mumwe muteveri werugby VaEdmuck Hamandishe vanoti vana ava vanofanira kutendwa ne kusimudzira kwavaita mureza wenyika.

Muteveri wemutambo wekiriketi VaFifelis Mukwehwa vanoti chikwata ichi chadadisa nyika. VeInternational Rugby Board havasati vazivisa kuti makwikwi aya achaitirwa kupi.

Makundano eJunior Rugby World Trophy akapedzisira kuitwa muna 2019 ndokumbomiswa kuchityirwa kupararira kwechirwere cheCovid 19. Mukombe uyu wakatorwa neJapan apo makwikwi aya akapedzisira kuitwa.

Tombotarisa matambo weCricket

Makundano ezvikwata gumi eCricket National Premier League ayo aifanira kutanga nezuro ambomiswa.

Mutauriri weZimbabwe Cricket VaDarlington Majonga vanoti mitambo iyi yave kuzotanga svondo rinouya nemhaka yezvimhingamipinyi zvavasangana nazvo izvo vasina kuda kutaura.

VaMajonga vanoti sangano ravo richabuditsa mubatanidzwa wezvikwata mazuva anotevera vaona kuti zvinhu zvakamira sei.

Makore matatu apfuura mitambo ye kiriketi yanga ichatambwa nekumiswa nemhaka yechirwere cheCovid 19.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG