Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro, Kubvumbi 18, 2022


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Zimbabwe yopemberera zuva rekuwana kuzvitonga kuzere paine mhemberero kuBarbourfields Stadium kanova kekutanga dzichiitwa kunze kweHarare. Vemapato makuru anopikisa kusanganisira Zanu-PF, Citizens Coalition neMDC-T vange vakamiririrwa.

Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vari muWashington DC kumusangano weIMF neWorld Bank neIMF vachiti vachataura nezvekuyedza kudzikamisa hupfumi, kutsvaga dzekubhadhara zvikwereti uye kutsvaka rubatsiro rwevakawirwa nedambudziko reCyclone Idai.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzokurudzira vanhu kuti vabayiwe nhomba yeCovid-19 sezvo dzimwe mhando itsva dzoramba dzichingonyuka.

Vana vakawanda mudunhu reMashonalad West vachiri kutatarika kuwana magwaro ekuzvarwa kunyangwe hurumende iri kuti iri kurerutsa.

Zimbabwe Rugby Under 23 Rugby yakabudirira kuenda kumakwikwi eWorld Cup Rugby

Muchirongwa chedu cheLivetalk na8 pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yezuva rekuwana kuzvitonga kuzere.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG