Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Pane Zvakawanda Zvekupemberera paZuva reKuwana Kuzvitonga Kuzere

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti pane zvakawanda zvakakosha zvaitwa nehurumende zvisinei nezvimhingamupinyi zvakawanda zvinosanganisira zvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumadokero. Asi vamwe vanoti hapana chekupemberera chakanyanya apo nyika yasvitsa makore makumi mana nemanomwe ekuzvitonga.

Mumashoko ange achibata bata nyaya dzakasiyana siyana avatura pakupemberera kuzvitonga kuzere nhasi, VaMnangagwa vati vanhu vanofanira kufara nekusvitsa kwenyika makore makumi mana nemaviri ekuzvitonga. Vati hurumende yavo yaita zvakawanda zvinovandudza hupenyu hwevanhu zvisinei nezvimhingamupinyi zvakawanda kusanganisira zvirango zvavanogara vachiti zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumawirira neAmerica.

VaMnangagwa vati hurumende iri kuita zvirongwa zvakawanda kusanganisira kuvandudza nyaya dzekurima dzezvicherwa pamwe nehupfumi hwose, vakati zvisinei nekusanaya zvakanaka kwemvura nyika ichawana gohwo rakanaka.

Varumbidza varimi kunyanya vekumaruwa nekurima zvirimwa zvakadai semapfunde nezvimwe senzira yekurwisa kushanduka kwemamiriro ekunze.

VaMnangagwa vati zvizvarwa zvose zvemunyika kusanganisira zviri kunze kwenyika zvine mukana wekubatsira kuti nyika isimukire. Vati avo vanoenda kunze kwenyika kunotsvaga mafuro manyoro kunyanya avo vanonosvikosangana nematambudziko, vakasununguka kudzoka kumusha chero nguva.

Munguva pfupi yapfuura chizvarwa chemuZimbabwe mushakabvu Elvis Nyathi akauraiwa munyika yeSouth Africa mumhirizhonga yerusarura rudzi.

Mutungamiri wenyika vati hurumende yavo inokoshesa kuyenzaniswa kwemikana nekusimudzira vanhukadzi nevechidiki nekudaro vakatora danho rekuti paiswe parutivi zvigaro zvevanhukadzi nevechidiki muparamende nemumakanzuru.

VaMnangagwa vati vari kufara kuti mushure nemakore maviri ekunge hupenyu hweveruzhinji hwakawoma nekuda kwechirwere cheCovid-19 zvinhu zvave kuita nani. Asi vakurudzira vanhu kuti varambe vachizvidzivirira pamwe nemhuri dzavo kuchirwere ichi.

Vachipa maonero avo pamashoko aVaMangagwa mutungamiri webato reNCA Muzvinafundo Lovemore Madhuku avo vange varipowo pamhemberero iyi vati ichokwafi kuti pane zvakawanda zvakaitwa nehurumende asi pachine zvakawanda zvinoda kuitwa kugadzirisa nyika.

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T VaDouglas Mwonzora vange varipowo pamhemberero idzi pamwe nemutungamiri weLEAD Muzvare

Vemapato anopikisa kunyanya vanosiramwa kuenda kumhemeberero dzakadai . Asi vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato rinopikisa reCCC VaCharlton Hwende avo vange varipowo pamhemeberero imwe chete, vati vavepo nekuda kwekuti zuva rerusununguko rakakoshera munhu wese munyika.

VaFreedom Murechu vanove mukuru weboka revechidiki veZanu PF mudunhu reBulawayo varumbidza zvaitwa nevebato reCCC vachiti zvinoratidza kukura kwavo mune zvematongerwo enyika sezvo zuva rekupemberera kuzvitonga risinei nezvemapato.

Vanhu vafadzwa nezvirongwa zvakasiyana siyana kusanganisira kufora kwemasoja uye Police Band. Vakawanda vatadza kupinda muBarboufields sezvo mange mazaraisa. Vanhu vakawanda vauyawo vachida kuona matambo wenhabvu pakati peHighlanders neDynamos. Mhemberero semakore ose dzaitwawo kune mamwe matunhu ose enyika.

aMnangagwa vati vari kufara kuti mushure nemakore maviri ekunge hupenyu hweveruzhinji hwakawoma nekuda kwechirwere cheCovid-19 zvinhu zvave kuita nani. Asi vakurudzira vanhu kuti varambe vachizvidzivirira pamwe nemhuri dzavo

Vachipa maonero avo pamashoko aVaMangagwa mutungamiri webato reNCA Muzvinafundo Lovemore Madhuku avo vange varipowo pamhemberero iyi vati ichokwafi kuti pane zvakawanda zvakaitwa nehurumende asi pachine zvakawanda zvinoda kuitwa kugadzirisa nyika.

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T VaDouglas Mwonzora vange varipowo pamhemberero idzi pamwe nemutungamiri weLEAD Muzvare

Vemapato anopikisa kunyanya vanosiramwa kuenda kumhemeberero dzakadai . Asi vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato rinopikisa reCCC VaCharlton Hwende avo vange varipowo pamhemeberero imwe chete, vati vavepo nekuda kwekuti zuva rerusununguko rakakoshera munhu wese munyika.

VaFreedom Murechu vanove mukuru weboka revechidiki veZanu PF mudunhu reBulawayo varumbidza zvaitwa nevebato reCCC vachiti zvinoratidza kukura kwavo mune zvematongerwo enyika sezvo zuva rekupemberera kuzvitonga risinei nezvemapato.

Vanhu vafadzwa nezvirongwa zvakasiyana siyana kusanganisira kufora kwemasoja uye Police Band. Vakawanda vatadza kupinda muBarboufields sezvo mange mazaraisa. Vanhu vakawanda vauyawo vachida kuona matambo wenhabvu pakati peHighlanders neDynamos. Mhemberero semakore ose dzaitwawo kune mamwe matunhu ose enyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG