Accessibility links

Breaking News

Vatendi Vofara Kunamata Vari Pamwe Chete paEaster


Vatendi vakawanda munyika kusanganisirawo mudhorobha reMasvingo vari kufara zvikuru kuti gore rino vachakwanisa kupemberera zororo reEaster vakaungana kumakereke avo izvo zvavakapedzisira kuita makore maviri apufuura nenyaya yedenda reCovid-19.

Vatendi vataura neStudio 7 vati vari mubishi kugadzirira kupinda munzendo dzekuenda kumakereke avo kwavanonoungana nevamwe kutanga mangwana kusvika musi weMuvhuro panopera zororo.

Munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches Reverend Doctor Kenneth Mtata vatiwo vari kufara nekukwanisa kuungana kwevatendi panguva yeEaster vachiti matambudziko aunzwa neCovid-19 anoratidzawo maKristu kuti zvinhu zvinogona kumboooma asi sekumuka kwaJesu kubva mune vakafa pane Tariro yekuti zvinhu zvichanaka.

Pastor, Ngoni Gweke, vesangano reChrist Embassy vati vatendi vekereke yavo vemudunhu rose reMasvingo vanenge vakaungana paMasvingo Sports Club kutanga mangwana kuti varangairire mazuva akatambudzwa mwanakomana wamwari.

Vamwewo vanoti denda reCovid-19 rakavasuwisa kwamakore maviri apfuura avakatadza kupemberera zororo reEaster nevamwe sezvo mutemo welockdown waisabvumidza kuungana kwevanhu.

Mumwe mutendi wekuClipsharm muMasvingo, VaNorest Muchongwe, vati gore rino vanotenda Mwari kuti denda reCovid-19 rakadzikira nekudaro vanokwanisa kuungana nevamwe vachinamata.
Makereke mazhinji munyika anoungana achinamata nekurangarira kutambudzwa kwakaita mwana waMwari vari pamwechete.

MuMasvingo zvekare vatendi vekereke yeZion Christian Church(ZCC) venyika yose vanoungana paMbungo Estates apo vanonamata naBishop wavo VaNhemiah Mutendi.

PaMbungo panoungana vanhu vanodarika zviuru makumi mashanu zvevatendi veZCC vamwe vachitobva munyika dzakapoteredza Zimbabwe dzakaita seSouthAfrica ne Botswana.

Zvichakadaro, pazororo reEaster panowanzoitikawo dambudziko rekufa kwevanhu munjodzi dzemotokari.

Vachitaura neStudio 7, vanoona nezvekufambiswa kwembasa musangano rePassengers Association of Zimbabwe VaTafadzwa Goliati vatiwo vachashanda nemamwe masangano nemapazi ehurumende akaita semapurisa kuona kuti vanhu vafamba zvakanaka munguva yezororo reEaster,

Gore rapera kunyangwe vanhu vainzi vagare mudzimba nekuda kwechirwere cheCovid-19, sangano reTrafiic Safety Council of Zimbabwe rinoti vanhu makumi matatu nevanomwe vakafa munjodzi dzemumugwagwa mazana mana nemakumi mashanu nemapfumbamwe kana kuti 459 dzakaitika.

Nyaya Ina Godfrey Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG