Accessibility links

Breaking News

Muzvare Mubaiwa Vopikisa Mutongo weDare reMejastiriti


Marry Mubaiwa Appears in Court
Marry Mubaiwa Appears in Court

Muzvare Mary Mubaiwa vabhadariswa mari inosvika zviuru makumi matanhatu emadhora emunyika kana kuti 60, 000 mushure mekubatwa nemhosva yekutyora mutemo wewanano kana kuti Marriages Act apo vanonzi vakanyepa kuti vaive murume wavo vasati vatanga kunetsana VaConstantino Chiwenga vainge vatenda kuchata navo ivo vachirapwa kuIndia.

Asi gweta ravo, Amai Mtetwa Amai Beatrice Mtetwa vaudza Studio 7 kuti vari kupikisa mutongo uyu pamwe nechirango ichi kudare repamusoro reHugh Court. Amai Mtetwa vati vatoendesa mapepa ekuramba kutambira zvabva kudare ramejastiriti.

Mutongi wedare ramejastiriti VaLazini Ncube vasendekawo parutivi kuenda kwavo kujeri kwegore vachiti vasapare imwe mhosva yakadai.

VaNcube vati Muzvare Mubaiwa vanokodzera kupihwa mumwe mukana uye kuvaendesa kujeri kunogona kukanganisa zvakanyanya hutano hwavo sezvo vari kurwara. Vatiwo kuda kuvapa mutengo wekuti vanoshanda pachena munharaunda kana kuti community service kunonetsa vanenge vachifanira kuona kuti basa iri raitwa nekuda kwehurwere hwavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG